Vava kun’anga kwaMugandani

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 5 (Ongororo):

Mukukurukura kunoitwa papeji 30 pane zvatinodzidza izvo zvinoti, kuratidza tsika nemaitiro evanhu (characterisation), kudimikira nedzokororo (repetition).Tinodzidza maererano naVaTigere, baba vaSimon. Murume uyu tinoudzwa kuti, “Vaida muroora wavo”, uyewo kuti, “vakanga vakachenjera kwazvo” (30).

Tambosangana namai vaSimon vachichema-chema maererano nekungoenda mahara kwemari yemwanakomana wavo. Iye zvino vava kudimikirazve inove dzokororo apo vanoti, “Pfuma haiendi pachena” (30).

Izvi zvinodzokororwa papeji imwe chete mundima yepiri kubva pasi apo zvinonzi, “Pfuma haingaendi pachena”.

Imwe dzokororo yatichazosangana nayo iri papeji 34 ne35. Dzokororo iyi iri kusimbaradza kuti Jane akabatiswa zvisipo naamai vaSimon. Tinotanga nekunzwa Mai Mashumba vachiti kuna Mai Zipfende, “Jane achakarobata pasi” (37). Tichiti yambukirei kupeji inotevera, tinonzwazve vava kudzokorora zvavataura vachiti, “Ndati Jane achakarobata pasi” (35). Vanodzokorora zvakare vachiti, “Jane abata pasi” (35).

Mukati mokudzokorora uku munoonekwa muchishandiswa mazwi akasimba chaizvo ekunyomba Jane, ayo anoonekwa nekushandiswa kwevara ‘r’ apo zvinonzi, “Rinenge richaputika. Rakauya tarisai muone kupavaira kwariri kuita zimwana iri!” (35).

Tinosanganazve nemunyori achimbosiya rongetedzo (plot) yenyaya yake achimbotora musambo uya wokudzidzisa (didactic tone). Dzimwe dzenguva munhu anoonekwa seasingazivi chinhu anogona kupa yambiro inobatsira izvo zvaanotaura apo anoti, “Zvamunoona, dzimwe nguva benzi rinorayirawo munhu zvinhu zvamazvirokwavo muubenzi ihwohwo” (34).

Tinosangana nemaonero ezvinhu (attitude) maererano neupenyu. Maererano nababa vaSimon, mukuru uyu haana chivimbo navanachiremba vechiRungu ivo zvinoonekwa nekutaura kwavo apo anoti, “Zvino ivo vanachiremba venyu vechiRungu ava vanoziva here? Vangazvikwanise zvirwere zvedu vatema?” (32).

Kudimikira kunyangwe kumwe kwambodomwa pakutsanangura dzokororo, kunoshandiswa mune dzimwe nzvimbo munyaya. VaTigere apo vanopinda mumba kwava kutanga kutaura nemudzimai wavo, vanozviona kuti musi uyu twakakwidza mumusoro memudzimai wavo. Vanonzwika vachidimikira vachiti, ‘Nhasi ruzere rwizi rwuya” (30).

Pavanemge vachitamba zvavo, Vida naSimon mumba, panopinda nyaya yekuti anokunda kufarirwa nababa pakati pavo vaviri ndiani, Vida ndokuti Simon anongofarirwa ndizvozvo hazvo hazvimbofanani nekufurirwa kunoitwa Vida nababa saka achiti, “Nyama yeusinambwa” (35).

Apo Jane anobva kwavana Mai Mashumba naMai Zipfende, zvaanonzwa zvinotaurwa nemadzimai maviri aya zvinoita kuti atsamwe zvikuru izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Akasvika kumba muromo uri mumhuno” (36). Paanotaura naamai vake avo vanoona kuti pane chamutsamwisa, anoshoropodza amai vaSimon achiti vakavatamba imwe apo anoti, “Zvokutibata kumeso nhai?” (36) sezvo vainge vapa Vida imba asi vakambenge vataurira Jane kuti ndiye aive muroora wavo.

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho):

KwaMugandani, kun’anga kuye hakusi kure. Vapedza kukwazisana, vabvunzwa kuti vanochema nei, VaTigere vanopira dambudziko raSimon naVida rekushaya mbereko. VaMugandari vanotora bhodyera ravaishopera naro ndokurikuchukudza vachitaura zvavaida.

 

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links