Uncategorized

Vavakidzani vaburana . . .

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Vavakidzani vaburana . . .

Kwayedza

‘Uri kuda kutora murume wangu’

Gamuchirai Muzanenhamu—

MUDZIMAI wekuendeswa kudare nemuvakidzani wake achinzi ari kumushungurudza anopikisana nemashoko aya achiti mukadzi uyu ari kuda murume wake, izvo zvinoita kuti vagare vachinetsana.

Cathrine Woyo akamhan’arira muvakidzani wake uyo akangozivikanwa nezita rekuti Mai Murehwa kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa moto.

“Handichada zvekutukwa zvinyadzi nekunzi pfambi uye kudzinga vanhu vanenge vauya kuzondiona pamba pangu kana kuti vachida kurukwa neni,” anodaro Woyo.

Anoenderera mberi achiti Murehwa anomusimudzira demo achiti anoda kumutema naro.

“Anondisimudzira demo achida kunditema naro achiti ndiri kudanana nemurume wake,” anodaro.

Murehwa anoti zvose zviri kutaurwa naWoyo manyepo asi kuti nyaya chaiyo ndeyekuti ari kuda murume wake.

“Anonyepa uyu, ari kuda murume wangu ndosaka ari kuda kuti ndiregedze kutaura naye kuitira kuti ndisamubvunze,” anodaro.

Anoti haataudzane naWoyo asi chinomushamisa ndechekuti anoda chaizvo zvekutaura nemurume wake achimutevera, izvo zvose murume wake anosvikomuudza.

“Isu tiri vaviri hatitaudzane asi anoda chaizvo kutaura nemurume wangu achimutevera kana kumugaririra pachiteshi, zvinova zvinoshamisa murume wangu zvekuti anosvikondiudza.

“Ndikati ndimubvunze, anotanga kutuka murume wangu achiti akapusa nekuti akamhoreswa nemukadzi asina murume anomhanya kunoudza mukadzi wake,” anodaro Murehwa.

Anotizve haamusimudzire demo asi kuti anenge achitema huni apo Woyo anobva afunga kuti ari kumutyisidzira.

“Ndinobika nehuni saka handingatadze kutema huni dzangu nedemo nekuti ari kufunga kuti ndiri kumusimudzira ndichimutyisidzira iye akatarisa ari kumba kwake,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa gwaro rerunyararo kune mumwe nemumwe wevaviri ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>