Vavakidzani vaburana

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
CHIREVO chinoti shanje rudo chinozadziswa nemumwe mudzimai uyo akaendesa muvakidzani wake kudare achiti ane fungidziro yekuti ari kudanana nemurume wake.

Laiza Ngwarava akamhan’arira Tonhodzayi Munyoro kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rufaro. “Uyu muvakidzani wangu, asi handichada hangu kutaura naye nekuti ari kundituka pose paanondionera. Akasvika pakundipazira gonhi remba yangu nekuda kwekusanzwisisa kwake,” anodaro Ngwarava. Anoenderera mberi achiti Munyoro anomufungira kuti anodanana nemurume wake.

“Ari kufungidzira kuti ndinodanana nemurume wake, ndosaka ari kundishungurudza. Zvino kana achindifungira kudaro, ari muvakidzani wangu, zviri nani ndisataure naye,” anodaro Ngwarava. Munyoro anoudza dare kuti haapikisane nechikumbiro chaNgwarava zvisinei nekuti anoreva nhema.

“Handipikisane nechikumbiro chake asi kungoti zvese zvaataura manyepo. Ndiye akatanga kunditsvairira marara, ndipo pakabva gakava rese iri.

“Ndanzwa nekuendeswa kumapurisa achingondipomera mhaka dzandisina kuita,” anodaro Munyoro. Mutongi Nyasha Marufu akapa Ngwarava gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey