Uncategorized

Vaverengi vomhanya nekwayedza

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Vaverengi vomhanya  nekwayedza CEO P DEKETEKE

Kwayedza

Tandayi Motsi —
BEPANHAU revanhu – Kwayedza — riri kuramba richisimukira zvikuru pakufarirwa nevaverengi sezvo pari zvino riri panhamba yechipiri pamapepanhau anobuda pasvondo ane vaverengi vakawandisa muZimbabwe.

Kwayedza — rinova rimwe remapepanhau akawanda anodhindwa nekambani yeZimpapers — riri kutevera The Sunday Mail, iro riri pasi pekambani imwe cheye iyi, pakufarirwa nevaverengi munyika yose.

Izvi zvakabuda muongororo ichangobva kuitwa yeZimbabwe All Media Products Survey (ZAMPS) pamusoro pehuwandu hwevaverengi vemapenhau ose ari munyika pamwe nevatereri venhepfenyuro dzakasiyana.

Pakufarirwa nevaverengi, Kwayedza iri kuratidza zvedi kuti ndiro bepanhau revanhu sezvo riri kufemera mugotsi meThe Sunday Mail kuchiti mamwezve mapepanhau eZimpapers — B-Metro, The Manica Post neSunday News — achitevera sezvazviri.

Kusimukira kweKwayedza kuti kuonekwa nekufarirwa kwarinoitwa nevaverengi varo — avo vamwe vavo vanorinyorera svondo rega rega vachipa kutenda.

Mupepeti weKwayedza Patrick Shamba anotaura pamusoro pezvakabuda muongororo yeZAMPS iyi.

“SeKwayedza, tinonzwa kufara zvikuru uye hatisi kuzozorora, asi kuti tinoramba tichipa vaverengi nevashambadzi vedu chaizvo zvavanotarisira — nhau dzemandorokwati, pasina kutapudza kana kuwedzera zvazviri.

“Tinoda kuramba tiripo pamusoro, asi uku hakusi kugona kwedu toga, asi kuti budiriro iyi inouya nekuda kwerutsigiro rwatinowana kubva kuvaverengi, vashambadzi naiyo mhuri huru inonzi Zimpapers,” anodaro Shamba.

Pamabepanhau anobuda mazuva ose, mamwezve ari pasi peZimpapers ndiwo ari pamusoro pakuvateverwa nevaverengi.

The Herald ndiro riri pamusoro richiteverwa neH-Metro kwozouya Chronicle.

Kuchikamu chenhepfenyuro, Star FM, iyo iri pasi peZimpapers zvakare, iri pechipiri munyika yose pakutererwa asi mumaguta nemadhorobha iri kurova dzose. Chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti ongororo ichangobva kuitwa yeZAMPS inoratidza kuti kuverengwa kwemapepanhau nekutererwa kwenhepfenyuro zvinoenderana nekukwanisa kuvandudza zvinenge zvichiburitswa, zvikuru izvo zvinofambirana nenguva.

Vanokorokotedza vashandi vose vekambani yeZimpapers nekuzvipira mubasa ravo uye nekuvakurudzira kuti varambe vachishanda nesimba.

Sangano reZimbabwe Advertising Research Foundation (Zarf), iro rinotsigira ongororo yeZAMPS, rine mubatanidzwa wemapoka akasiyana anoburitsa nhau pamwe nevashambadzi.

Ongororo iyi inoonekwa seyakakosha sezvo ichibatsira vari mubhizimisi rezvenhau, vashambadzi nevatsigiri vakasiyana kuitira kuti vange vachibatsira mukusimudzira indasitiri yezvenhau munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>