Uncategorized

Vayenzi vochingurwa nehangaiwa

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vayenzi vochingurwa nehangaiwa Sekuru Chiyokoto

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA ine mukurumbira yekuRushinga, kumuganhu wemunyika ino neMozambique, inoti kana vanhu vachisvika pamusha payo, vanotambirwa nehangaiwa vachiri chinhambwe chemakiromita maviri kana kudarika.

Chiremba wechivanhu uyu — VaEveristo Nhete Chiyokoto (67), avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Chiyokoto — ane misha miviri, uri kwaMambo Makuni, kuRushinga muZimbabwe nekwaMambo Meki Kalopola, kuChiwoko, kuTete, kuMozambique.

Sekuru Chiyokoto, avo vane madzimai mashanu nevana 45, vanoti kana vanhu vachienda kumba kwavo, vanotambirwa nehangaiwa dzichibhururuka pamusoro pavo.

Vatori venhau veKwayedza pavakashanyira n’anga iyi nguva pfupi yadarika kumusha wayo uri kudivi reMozambique, vakazvionera apo vakatambirwa neshiri idzi vachangodarika muganhu weMozambique neZimbabwe. Hangaiwa idzi dzakabhururuka nepamusoro pemotokari yeKwayedza kwechinhambwe chingaite makiromita maviri, ndokuzonomhara pazumbu radzo apo vatori venhau vakanga vave kusvika pamusha waSekuru Chiyokoto.

Hangaiwa dzakamhara pamota yeKwayedza mushure mekunge dzagashira vatori venhau. — Mifananidzo naTariro Kamangira

Dzakazokomba musha wose, dzimwe ndokunomhara mumunda dzakatarisa mukati memusha apo dzakazobhururuka vanhu vapedza kumhoresana ndokubva dzanomhara pamusoro pemotokari yevatori venhau.  “Matambirwaka Moyo Zuruvi (kureva mutupo wemunyori uno), nevamwe venyu? Chitambanukai zvenyu zvaratidza kuti makachena, hapana akasviba pamuri. “Chokwadi kubva Harare kuvinga Sekuru Chiyokoto kwanakaka here? Imbiri yeyi yamakanzwa?” inodaro n’anga iyi.

Sekuru Chiyokoto vanoti vanoziva kuti kumba kwavo kuri kuuya vaenzi kuburikidza nehangaiwa idzi. “Ndinofanoziva kuti vanhu vari kuuya vakanaka, varoyi kana kuti vakaromba nekuda kwemaitiro ehangaiwa dzangu.  Shiri idzi dzinobva pano dzakaita mudungwe kwosara shoma pamusha. Dziya dzaenda dzinonanga nekumugwagwa wekubhodha unouya kumba kwangu uko dzinonotambira vaenzi.

“Hazvina mhosva kuti vanenge vachifamba netsoka kana kuti nemotokari, dzinovatambira chete – dzimwe dzichibhururuka nepamusoro pevaenzi vacho. Dzimwe dzinotomhara pamusoro pemotokari dzichifamba, izvo zvinoshamisa vazhinji. Kureva kuti vatambirwa uyewo kuti matambudziko avo achagadzirwa.  “Vamwe vanowana dzakamhara mumiti yakatevedza mugwagwa uyu, dzozotanga kubhururuka vasvika dzichivatungamirira,” inodaro n’anga iyi.

Sekuru Chiyokoto vanoti vanenge varasika vasingazive kumba kwavo vanotevera shiri idzi kunosvika pamusha pavo pasina wavabvunza.

Pane hangaiwa mbiri hombe dzinoti chena netsvuku, idzo dzavanoti dzinotungamirira dzimwe dzinodarika zana pakutambira vaenzi.

“Padzinosvika, mbiri idzi dzinogona kumhara pamberi pevanhu dzotanga kurovanisa mapapiro nekuchema zvinoratidza chivanhu chikuru. Izvi dzinozviita kuvanhu vose kunyangwe vane motokari,” vanodaro. “Panosvika vaenzi kumba vachitungamirirwa neshiri idzi, dzinosvikomhara pasi dzokomberedza musha dzakavhumbama apo vanhu vanokwazisana, dzozobhururuka vanhu vapedza kumhoresana.

“Ehe, ihangaiwa sedzimwe shiri asi dzine chivanhu, hazvisi zvikwambo sekufunga kwevamwe vanhu,” vanodaro Sekuru Chiyokoto.Vamwe vanoshanda nen’anga iyi vanosanganisira Christopher Karawanda (43) naMisheck Mangetani (37) vanotsinhira nyaya yehangaiwa idzi, idzo dzavanoti dzinotratidza kunaka kana kuipa kwevanhu nekuuya kwezvakanaka kana zvakaipa. “Pane vamwe vanhu vekuti vakauya pano unoona nekusuwa kwadzo, dzinotohwanda kana pachiuya rufu pano – unozviona nekusuwa kwadzo,” anodaro Karawanda.  Sekuru Chiyokoto vane madzimai mashanu nevana 45.

Sekuru Chiyokoto vanoti vanorarama upenyu hwechizvino-zvino, kunyangwe vaine mudzimu unoda zvechivanhu.  “Madzimai angu mashanu vanopfeka mbatya dzakanaka zvikuru dzemazuva ano uye vana vangu vanoenda kuchikoro sevamwe vana. Ndinoterera nhepfenyuro nekuona zvivhitivhiti zvekuZimbabwe nekuMozambique kuti ndigare ndichiziva zviri kuitika munyika dzandinogara uyewo ndinowana nguva nemhuri yangu yose,” vanodaro.

Pakashanyirwa n’anga iyi neKwayedza yakawanikwa ichiterera nhepfenyuro yekuZimbabwe, kunyangwe vaiva kuMozambique.

“Panyaya yeupfumi, ndine mombe 160, mbudzi 1 000, hwai 100, motokari ina nemunda wandinorima kuno kuMozambique sezvo kuriko kune munda wangu mukuru wakatandavara mahekita 20 uyo ndakapihwa namambo wekuno, Kalopola. Vashandi vangu vanokwana 20,” vanodaro Sekuru Chiyokoto.

Kwayedza haina kuzokwanisa kusvika pamusha wen’anga iyi uri kudivi reZimbabwe uko kunogara madzimai avo ose.

Share This:

Sponsored Links