Vazhinji vokoshesa nzira dzekurera mhuri: znfpc

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Vazhinji vokoshesa nzira  dzekurera mhuri: znfpc Fidelis Dzumbuni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) riri kuvandudza nzira dzekuwaniswa kwezvirongwa zviri pamusoro pekurera mhuri uye pari zvino rakazadzikisa zvinangwa zvaro zvegore ra2020 apo ongororo iri kuratidza kuti kutorwa kwemishonga yechizvino-zvino yekurera mhuri kuri kuramba kuchiwedzera.

Vachitaura pamusangano wakaitwa neZNFPC yakabatana nesangano rePopulation Service Zimbabwe (PSZ) kuKadoma nguva pfupi yadarika, uyo waive nedonzvo rekufundisa vatori venhau pamusoro penzira dzekurera mhuri, VaMartin Mukaronda, vanova marketing and communications assistant director kuZNFPC vanoti vanhu vakawanda vari kushandisa nzira dzekurera mhuri muZimbabwe.

“Tinofara nebudiriro iripo apo veruzhinji vari kuwaniswa mishonga nenzira dzakasiyana dzekurera mhuri uye nyaya dzeutano hwesikarudzi. Vanhu vakawanda vari kushandisa nzira dzekurera mhuri dzechizvino-zvino, kusanganisira vekumaruwa nevechidiki zvichitevera kuwaniswa ruzivo,” vanodaro VaMukaronda.

Vanoti chirongwa chekuwaniswa kwevanhu ruzivo pamusoro penzira dzekurera mhuri munharaunda dzavanogara chiri kufambira mberi zvakanaka.

Vatori venhau vaifundiswa nezvekurera mhuri

“Vechidiki vane maYouth Friendly Corners avo uko vanopangwa mazano pamwe nekuwaniswa nzira dzekurera mhuri pasina rusarura. Vechidiki vanonyara kuonekwa vachitora mishonga yekurera mhuri nepamusana pepfungwa dzakaipa dzinenge dziri muvanhu, nyambisirwa vanowanikwa vachiita bonde. Nekudaro vanofanira kuwaniswa nzira dzese dzine chekuita neutano hwavo,” vanodaro.

VaMukaronda vanoti huwandu hwevanhu vanoda mishonga yekurera mhuri huri kuramba huchiwedzera pakati pemazera ose.

Vanoti vane chinangwa chekuvandudza kuwaniswa kwemishonga yekurera mhuri kubva pachikamu che59% kuenda pa68% muna2020 uye kuderedza nyaya dzekumitiswa kwepwere kubva pachikamu che24% kuenda pa12% pamwe nekuona kuti kushomeka kwemishonga yekurera mhuri hakudariki chikamu che5%.

VaBrighton Muzavazi, avo vanova reproductive health co-ordinator kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti pane nzira dzakasiyana dzakaita kuti kushandiswa kwemishonga yekurera mhuri kuwedzere munyika muno.

“Kune zvinhu zvakawanda zvakaitwa neHurumende uye masangano anotsigira nyaya dzekurera mhuri sePSZ neZNFPC nevamwe vatsigiri. Nyaya dzekurera mhuri dzinowaniswa pachena kune zvimwe zvipatara asi mimwe mishonga yacho inowanikwawo nemitengo yakaderera.

“Chinangwa chedu chegore ra2020 ndechekuona kuti bhajeti renyika rinoona nezveutano rinoendeswa kuzvirongwa zvekurera mhuri rawedzerwa kubva pa1,7% kuenda pa3%,” vanodaro.

Vanoti chimwe chinangwa chavo ndechekuona kuti kushomeka kwenzira dzekurera mhuri kwaderedzwa kubva pa13% kuenda pa6,5% mugore ra2020.

VaFidelis Dzumbunu vanova marketing, communication and PR manager kusangano rePSZ vanotiwo kushandisa nzira dzekurera mhuri kwakakosha nekuti vanhu vanokwanisa kuronga huwandu hwevana vavanoda.

Vanowedzera vachiti ibasa revatori venhau rekushambadza mashoko pamusoro pekurera mhuri uye kubvisa dzimwe pfungwa dzemanyepo idzo dzinowanzopinzwa muvanhu kuti vange vachivenga nyaya dzekurera mhuri.

Nzira dzekurera mhuri dzinosanganisira kuchekwa kwetsinga kuvarume (vasectomy), kusungwa matubhu kumadzimai (tubal ligation) dzinova dzeupenyu hwese, kuchizoti dzenguva refu asi dzichizokwanisa kuregedzwa kana vanhu voda kuita vana dzinoti kushandisa mapiritsi kana makondomu kudzivirira pamuviri nekutapurirwa zvirwere zvepabonde.

Dzimwe nzira dzekurera mhuri ndedzinoti kubaiwa majekiseni kana kuverenga mazuva anogona mudzimai kubata pamuviri apo murume nemukadzi vanoita bonde rakadzivirirwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey