Vazhinji voziva kurera mhuri

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vazhinji voziva kurera mhuri Dr Madzima

Kwayedza

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti riri mushishi kushanda rakabatana nemamwe mapoka akasiyana mukusimudzira nyaya dzekurera mhuri izvo zvaona vanhu vari kuwana nzira dzekurera mhuri vachisvika chikamu che66% pachisara paine mukaha we10,4%.

Vachitaura pambemberero dzeWorld Population Day idzo dzakaitirwa muHarare nemusi weChipiri svondo rino, Dr Bernard Madzima, vanova director weFamily Health kubazi iri vanoti madzimai akawanda akaroorwa ave kushandisa nzira dzekurera mhuri.

“Huwandu hwevanhu vari kushandisa nzira dzekurera mhuri munyika pari zvino huri pa2 203 000. Dunhu reMatabeleland South ndiro riri pamberi pakushomeka kwekushandiswa kwenzira dzekurera mhuri apo riine chikamu che60% chevari kushandisa nzira idzi uye mukaha we16%.

“Kunozouya Masvingo iyo ine chikamu che61% uye mukaha we15%, Matebeleland North iine 66% nemukaha we13%, Manicaland 57% nemukaha we10%, Harare (70% nemukaha we10%), Bulawayo (71% nemukaha we9%), Mash West (71% nemukaha we7%, Mash East (70% nemukaha we9%) apo Mash Central iine 65% nemukaha we9%,” vanodaro.

Dr Madzima vanoenderera mberi vachiti, “Kureva kuti munyika yese, vanhu vari kuwana nzira dzekurera mhuri vane chikamu che66% pachisara paine mukaha we10,4%.”

Zvakaonekwa zvakare kuti madzimai nevanasikana vane makore anobvira pa15 kusvika 49 ekuberekwa vazhinji vavo vane neruzivo maringe nenyaya dzekurera mhuri nechikamu chinodarika 98%.

Dr Madzima vanoti kuburikidza nekuwaniswa nzira dzakasiyana dzekurera mhuri, nyika iri kuwanikwa ichideredza nyaya 173 000 dzekubviswa kwepamuviri zvisiri pamutemo uye ne785 000 dzepamuviri pasina kurongeka pamwe nekuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara dzinosvika 2 600.

“Zimbabwe National Family Planning Strategy 2016-2020 ine chinangwa chekuona kuti huwandu hwemadzimai nevarume vari kuda nzira dzekurera mhuri hwawedzera. Pari zvino tichine mukaha wekuwaniswa kwenzira dzekurera mhuri kune vachiri kuyaruka nechikamu che12,6% uyo tinoda kuuderedza kusvika pa8,5% muna2020.

“Tinoda zvakare kuwedzera mhando dzenzira dzekurera mhuri tichiona kuti chikamu che30% chemadzimai akaroorwa ashandisa nzira dzekurera mhuri dzenguva refu muna2020,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti Hurumende inoda zvakare kuderedza kushomeka kwemishonga yekurera mhuri kuti nyika irambe iri pachikamu che5% nekushanda nemamwe masangano akazvimiririra kuti ange achitsigira.

“MuZimbabwe, vanhu vanowana nzira dzekurera mhuri muzvipatara nemakirinika eHurumende vane chikamu che73%, muzvipatara zvakazvimirira 22% kuchizoti mumikoto nedzimwe nzira dzakatsaukana 5%. Muzvipatara zveHurumende mishonga iyi inowanikwa pachena kana kuti nemari iri pasi. Tiri mushishi kudzidzisa varapi vedu kuti vange vachikwanisa kushandisa nzira dzenguva refu dzekurera mhuri kuvanhu dzakadai seIntra-Uterine Contraceptive Device (IUCD),” vanodaro.

Dr Esther Muia, vanova mumiriri wesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) muZimbabwe, vanoti kurera mhuri ikodzero yemunhu wese uye kunochengetedza upenyu hwevakadzi kunyanya, nokudaro madzimai navanababa vanofanira kuwaniswa ruzivo rwakakwana.

Zvichakadai, mamiriyoni nemamiriyoni emadzimai pasi rose havasi kuwana nzira kwadzo dzekurera mhuri zvichikonzerwa nekushaya ruzivo nehurombo, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>