‘Vechidiki musagarire maoko’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Vechidiki musagarire maoko’ Wiriranai Zijena

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weZim-dancehall anoti zvakakosha kuti vechidiki vashande nesimba kuitira kuti hupenyu hwavo hubudirire.
Wiriranai Zijena (23) – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Master Vee – anoti nziyo dzake dzakanangana nekukurudzira vechidiki kuti vasagarire maoko.
“Ini ndiri munhu achiri kusimukira mukuimba saka ndinoda kuti nziyo dzangu dzive dzinodzidzisa vechidiki vakaita seni. Ndakasarudza kuimba musambo weZim-dancehall nekuti ndiwo uri kunyanya kufarirwa nevechidiki vemazuvano,” anodaro Zijena.
Anoenderera mberi achiti, “Ini ndinoimba zvinoenderana nehupenyu hwatinorarama sevechidiki mazuva ose, zvinotinetsa muhupenyu. Saka ndinenge ndichikurudzira vechidiki kuti sezvo hupenyu hwakaoma isu ngatishandei nesimba kwete kuputa zvinodhaka uye kuba nekuti handiwo hupenyu chaihwo.”
Anoti ane shuviro yekuti nziyo dzake dziridzwewo pamawairesi sezvinoitwa dzevamwe vaimbi vane mukurumbira.
“Shuviro yangu ndeyekuti vaimbi vachiri kusimukira seni varidzwewo nziyo dzavo pamawairesi kuti tizivikanwewo nekuti izvozvi kunongoridzwa vane mukurumbira chete uye nziyo yangu imwe chete inonzi Mai Tino ndiyo yega iri kuridzwa zvakanyanya,” anodaro.
“Pari zvino handisati ndava nedambarefu asi ndichatanga kushanda nemazvo kuti nditsikise dambarefu rangu rekutanga uye ndinotoda kusvikawo panaWinky D,” anodaro Zijena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey