Vechidiki rongekai: Nengomasha

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vechidiki rongekai: Nengomasha Tinashe Nengomasha

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa ichitambira nhabvu chikwata chenyika chemaWarriors nezvimwe zvikwata zvekunze, Tinashe Nengomasha, anoti ibasa revatambi vane mukurumbira kurakidza gwara kune vechidiki kuitira kuti vave nehupenyu hune punduko.

Father – sezita remadunhurirwa raNengomasha – anoti vatambi vakawanda vechidiki vari kurasika nekuda kwekusaziva gwara rekutevera.

“Tiri kuona vamwe vechidiki vasina kwavari kusvika, haisi nyaya yekuti havana tarenda asi kushaya vanovarakidza gwara chete. Ini kuti ndisvike pandiri, ndine vamwe vatambi vakanditora vakandigarisa pasi vakati mupfana ita izvi neizvi nekuti ukasadaro chete hapana kwaunoenda. Unogona kunge une tarenda asi hapana zvazvinobatsira,” anodaro Nengomasha.

Muchinda uyu – uyo akasendeka shangu dzake dzenhabvu makore adarika – anoti iye zvino ari mushishi kugadzirisa magwaro ake ekurairidza nhabvu sezvo aine chishuwo chekubatsira vechidiki kuitira kuti vagove neremangwana rakajeka.
Anoti vatambi vane tarenda vazere muZimbabwe asi havasi kunyatsobikwa zvakasimba.

“Vatambi varimo muno uye maAcademy ari kuvabika asi pane pari kusaririra padiki chete pakakosha chaipo.
“Unoona mutambi anenge achigona kunzvenga vamwe vatambi zvinodadisa asi kuzopedzisa asingakwanise. Saka zvimwe zvezvinhu zvinoda kugadziriswa kuti mutambi azonzi akakwana.

“Saka isu sevatambi vakare tikabatana kubatsira vechidiki ava remangwana ravo rinoendeka uye vanosvika kure,” anodaro Nengomasha.

Muchinda uyu akazvarwa mugore ra1982 akakurira kuGlen Norah, muHarare achifarira chaizvo kutamba nhabvu.
Sekutaura kwake, Nengomasha anoti akakura zvinhu zvakaoma zvikuru mumhuri yavo.

Anoti amai vake vaitengesa matomatisi kuti vachengete mhuri nekumuendesa kuchikoro pamwe nevanin’ina nevakoma vake.
Nengomasha anoti hupenyu uhu ndiwo hwakamutuma kuti ashande nesimba kusvika azoenda kuSouth Africa uko kwaakatambira zvikwata zvinosanganisira Kaizer Chiefs neBidvest Wits.

“Ndakakura hupenyu hwakaoma huchivava, amai vangu vaimukira svondo rega-rega kuenda kuMbare kunohodha matomatisi vachitengesa kuti vatiraramise. Saka ini ndakashanda nesimba kuti ndibvise mutoro uyu pavari nekuti ndaiziva kuoma kwazvainge zvakaita.

“Baba vangu vakashaika ndichangotanga kutamba nhabvu saka havana kumbondiona ndichitamba kwenguva yakareba. Izvi zvimwe zvezvinhu zvakandituma kushanda nesimba kuti ndigokwanisa kubatsira mhuri yedu,” anodaro.
Anoti kutambira zvikwata zvekunze kwenyika kwakasimudzira hupenyu hwake zvikuru.

“Unoziva ukatengwa nechikwata chekuSouth Africa ‘signing on fee’ yaunopihwa ipapo unotenga bango remotikari, yemhando yepamusoro. Saka vapfana vazhinji vanobva muno akaendako anovhunduka nazvo ongoti imwe ichauya oswera achingodhakwa achidya mari okanganwa basa raanenge aendera kuSouth Africa.

“Ndosaka muchiona vazhinji vachidzoka vasina chavainacho nekuti vari kurasika gwara vaenda kuSouth Africa pamwe nekune dzimwe nyika. Ziva chaunenge wafambira uye ziva basa rako,” anodaro.

Nengomasha anoti hupenyu hwaari kurarama iye zvino hwakabva mukushanda nesimba kwaakaita apo aitamba nhabvu.
“Chinhu chikuru chandakakwanisa kuita muhupenyu hwangu kuburikidza nenhabvu kuvakira amai vangu pekugara pakanaka. Iniwo ndikazovakawo pangu uye ndikavaka dzimwe dzimba dzangu dzandinadzo.

“Mutambi wenhabvu rongeka uite chinobatika muhupenyu hwako kwete kungodya mari yese iwe uchizosara usina chaunacho.
“Zvinonyadza mangwana vanhu vazokunongedza vachiti honai mutambi akambonetsa munhabvu uyo uchingodzungaira usina chaunacho uchinzwisa tsitsi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>