‘Vechidiki siyanai nezvinodhaka’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI wehip-hop, Langton Masanga, uyo anonyanya kuzivikanwa saLankie – anoti vaimbi vanofanira kuimba mhanzi inovaka hunhu hwakanaka mune veruzhinji uye zvakakosha kuti vachidiki vasiyane nekutora zvinodhaka sezvo zvichikanganisa remangwana ravo. Lankie – uyo anonyanya kuzivikanwa nekambo kake kanonetsa kanonzi Mbanje – anoti mhanzi ngaikurudzire magariro akanaka evanhu pamwe nebudiriro yenyika.

“Ngatisangoimbe kana kungotsikisa zvisina chazvinobatsira, ngatitsikisei mhanzi inovaka uye inokurudzira kuti vanhu vakwanise kurarama hupenyu hwavo vakasununguka. Ini ndoda kuti mhanzi yangu ive ine chidzidzo chiri mairi kuti vechidiki vakaita seni tirarame hupenyu hwakanaka hwakajeka hunotibatsira ramangwana redu rakajeka,” anodaro Lankie.

Kambo kake kanonzi Mbanje kanokurudzira vechidiki – kunyanya avo vari kutora zvinodhaka zvinosanganisira mbanje, glue, bronco, musombodhiya nezvimwe – kuti vasiyane nazvo sezvo zvichikanganisa utano hwavo neramangwana ravo.

“Vamwe vechidiki vari kukanganisika hupenyu hwavo nekutora zvinodhaka izvo zvinopedzisira zvavatadzisa kubudirira muraramo yavo. Ukaswerera kutora zvinodhaka hapana chimwe chauchafunga muhupenyu hwako. Unenge uchingoda zvekudhakwa chete saka mhanzi yangu inokurudzira vechidiki kuti tisu remangwana renyika yedu saka ngatiivake. Hatingamboivake tikaswera tichiputa mbanje, kunwa bronco kana musombodhiya,” anodaro Lankie.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey