Vechidiki vosimudzirwa

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Vechidiki vosimudzirwa

Kwayedza

Daphne Machiri —
SANGANO rakazvimirira reHard Mashona Arts and Culture rosimudzira vechidiki vane matarenda akasiyana anosanganisira ekuimba, kuridza marimba nemagitare, kuveza vachishandisa matombo kana miti nedonzvo rekuti vawane raramo.

Andrew Musona anova executive director wesangano anoti vakaona zvakakosha kuti vatsigire vechidiki.

“Zita redu rinozvitsanangura rega kuti isu tinoita zvemimhanzi yeChiShona zvakadzama senzira yekusimudzira vechidiki nerurimi rwamai,” anodaro. Anoenderera mberi achiti “Isu tiripo pakuvandudza mabasa anoitwa nevechidiki mune zvemimhanzi kuti vazive kuti vanokwanisa kuwana raramo kuburikidza nengoma nehosho.”

Anoti sangano ravo rinofamba kumatunhu ari kumativi mana enyika vachiona vechidiki vane matarenda ekuimba, kuridza ngoma, hosho, marimba nemagitare pamwe nekuveza avo vanosimudzira.

“Rimwe donzvo redu zvakare nderekuti vechidiki vasiyane nezvinodhaka kuburikidza nekuvawanisa zvekuita. Kuvanasikana, zvinobatsirawo kuderedza nyaya dzekumitiswa nekuroorwa vachiri ndumurwa. Vechidiki vakakwanisa kuita mabhindauko akasiyana, kunze kwekuvawanisa raramo, zvinobatsirawo zvakare mukusimudzira hupfumi hwenyika zvinova zvinoenderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika cheZim-Asset,” anodaro Musona.

Sangano ravo, anodaro Musona, rine studio zvakare iyo vanotsikisa mhanzi yevechidiki pachena.

“Studio yedu inobika mhanzi yemisambo yakasiyana-siyana, koita vanoveza matombo nemiti varipo zvakare nevanogadzira marimba nembira,” anodaro.

Anoti vane mamwe mastudio ari kunyika dzinosanganisira South Africa.

Musona anoti sangano ravo riri kushanda rakabatana nereZimbabwe Youth Council mukusimudzira matarenda evechidiki aya.

“Vechidiki vane matarenda akasiyana akadai seekuimba, kuridza marimba kana hosho uye nekuveza matombo nemiti vakasununguka kuuya kusangano redu tivabatsire mukusimudzira zvipo zvavo,” anodaro Musona.

Anoti kupera kwegore rino vacharonga dopiro revechidiki reZimbabwe Underground Arts Awards (ZUAA).

“Ichi chirongwa chekupa vaimbi mibairo, tichange tichipa mibairo kune vaimbi vemisambo yakasiyana-siyana inova nzira yekuvasimudzira nekuvapa manyawi kuti vaenderere mberi nebasa ravo,” anodaro Musona.

Share This:

Sponsored Links