Uncategorized

Vechidiki vowaniswa mabasa

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VAGARI vekwaMakuvise, kwaNyashanu kudunhu reBuhera, vanoti vari kufara zvikuru nekuda kwemakambani ari kushandirako ayo ari kupinza vechidiki veko mabasa.
Sadunhu Makuvise, VaMathius Makuvise (39), vanoti izvi zvinotevera chisungo chavakaita nemasabhuku avo kuti kambani yoga-yoga inouya kuzoshandira mudunhu ravo inofanirwa kuwana chikamu chevashandi vanotorwa kubva muvagari vemunzvimbo yavo.

“Kune makambani anouya kuzoshandira muno sekuchera madhamu, kugadzira migwagwa, kuvaka zvikoro nemakiriniki, kuisa magetsi nezvimwe saka tine vana vemuno vanopinda mabasa voshanda kusvikira mapurojekiti aya apera,” vakadaro VaMakuvise.

Vakatenda nhengo inomirira dunhu reBuhera Central, VaRonald Muderedzwa, avo vavakati vari kushanda zvakanaka neruzhinji pamwe chete nemakambani anouya munzvimbo iyi kuti vanhu vawaniswe mabasa.

“Izvozvi tine makambani ane chitsama anouya muno achiita basa achienda. Ini chaiye ndakamboshanda paiiswa booster reNetOne nevamwe vemuno.

“Izvi zvinobatsira isu nekudaro makambani akadai tinoda kuti arambe achiuya muno,” vakadaro VaMakuvise.
Vanoti kambani yeRural Electrification Agency (REA), iyo pari zvino ine chirongwa chekuisa magetsi muzvikoro nemakiriniki eko, iri kupinzawo vamwe vagari vemudunhu iri mabasa.

“Magetsi kuno ari kuiswa muzvikoro nemumakiriniki kubva kwaGudo, Chimbudzi, Maneta, Matiyasi nekumwe. Basa rekutakura matanda nekuchera makomba nekudhonza tambo dzemagetsi riri kuitwa nevana vemuno avo vava kuwana cheuviri. Kana kunotsvaga mabasa kure hazvichaita nekuti tinoziva kuti muno mune mabasa, tinenge tave kugara nemhuri dzedu izvo zvinochengetedzawo dzimba dzedu,” vakadaro VaMakuvise.

Cde Ronald Muderedzwa vanoti vari kufara zvikuru nebudiriro iri kuitika mudunhu ravo.
“Chisungo chatakaita kuti mabasa anoda kuitwa muno pane kodzero yekutora vana vemuno ngavapinzwe mabasa, vakadzidzira mabasa vacho variko zvakare kana zvichiita vanotorwa saka chisungo ichi chabatsira zvikuru.

Vave kuzviwanira mari yekuriritira mhuri dzavo,” vakadaro Cde Muderedzwa.
Vanoti vane mabasa mazhinji akatarisirwa kuzoitwa mudunhu ravo ayo vechidiki vanogona kubatsirikana.

Share This:

Sponsored Links