Vhenekwai gomarara: msf

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Vhenekwai gomarara: msf Sister Mercy Mandizvo (kuruboshwe) vachiratidza mashandisirwo anoitwa Leep Machine vari paGutu Rural Hospital.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MADZIMAI mazhinji ayo anga achikundikana kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa chirwere chegomarara remuchibereko kuMasvingo vava kuzoyamurwa nyore zvichitevera kuparurwa kwechirongwa chekuti vavhenekwe pamwe nekurapwa denda iri pachipatara cheGutu Rural Hospital nesangano reMedecins Sans Frontieres (MSF) munguva pfupi yadarika.

Chirongwa ichi chinozivikanwa nekuti Loop Electrosurgical Excision Procedure (Leep) Service uye panoshandiswa muchina weLeep mukuvheneka chirwere chegomarara uyo wakapihwa kuchipatara ichi nesangano iri.

MSF isangano rinoita mabasa etsitsi ekubatsira mukuvandudza utano hweveruzhinji uye riri kuyamurawo nekudzidzisa machiremba achange achivheneka nekurapa varwere.

Leep Service inzira inoshandiswa nemachiremba apo vanosevenzesa simbi mukuvheneka gomarara muchibereko pamwe nekurapa.

“Sesangano reMSF, tinovimba kuti hakuna mudzimai anofanira kufa nekuda kwechirwere chegomarara nekuti chinokwanisa kudzivirirwa. Kana madzimai akavhenekwa chirwere ichi, vanokwanisa kubatsirwa nekukasika kuitira kuti varapwe gomarara racho risati rakomba,” vanodaro Dr Severine Caluwaerts vanova gynaecologist kusangano reMSF.

Chirongwa ichi chisati chaparurwa munzvimbo iyi, madzimai vane maronda egomarara remuchibereko akakura kusvika pachikamu che75% zvekusvika pakupinda mukati memuromo wechibereko vanga vachinorapwa kuNewlands Clinic, kuHarare. Sangano reMSF ndiro raibhadhara mari dzose dzaidiwa mukurapwa kwavo.

“Kurapa vanhu vanenge vachida rubatsiro rweLeep kwaisava nyore nekuti vamwe varwere vange vachikundikana kuenda kuHarare izvo zvaiita kuti vasakurumidze kupora,” vanodaro Dr Abraham Mapfumo vanove mumwe wemachiremba eMSF.

Kubvira mugore ra2015, sangano reMSF riri kubatsira bazi rezveutano nekurerwa kwevana kuburikidza nekuona kuti madzimai akurumidza kuvhenekwa chirwere chegomara pamakirinika nezvipatara zvitanhatu zviri maGutu.

Dunhu reGutu ndiro rega munyika rine zvipatara zvinodarika chimwe chete zvinovheneka chirwere chegomarara remuchibereko.

MSF iri kutsigira zvipatara izvi kuti zvivheneke chirwere chegomarara rechibereko nenzira inodaidzwa kuti Visual Inspection Using Acetic Acid neCervicography (VIAC) uye vane tarisiro yekuti vachaita zvimwe chetezvo kune mamwe matunhu eZimbabwe.

Madzimai nevanasikana vazhinji vari munharaunda iyi vari kuratidza kufarira chirongwa ichi sezvo chichideredza kudhurirwa kwavaimboitwa nezvekufambisa apo vaienda kunorapwa kuHarare.

Zvisinei, dambudziko guru riri kusanganikwa naro nesangano iri nderemamwe madzimai anononoka kunovhenekwa gomarara richizoonekwa apo rinenge rakomba zvinoita kuti ridhure mukurapwa kwaro uye richitora nguva refu kuti ripere.

Varwere vanenge vavhenekwa vakaonekwa vaine gomarara rakadzama, sangano iri rinovatumira kuzvipatara zvikuru seParirenyatwa Group of Hospitals neBulawayo Central Hospital.

Mugore ra2017, sangano reMSF rakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana vakaita chirongwa cherudzi urwu maGutu apo madzimai 4 691 vakavhenekwa uye 53 vavo vakaonekwa vakakodzera kupinda pachirongwa cheLeep.

MSF inoshanda munyika dzakasiyana ichiita mabasa etsitsi nekubatsira vanotambura uye yakatanga kushanda muZimbabwe muna2000.

Sangano iri riri kuita zvakare mabhindauko ekubatsira vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV, chirwere cherurindi chisingadaire mishonga (Drug Resistant TB), asthma, shuga neBP uye nevanhu vanenge vashungurudzwa nenzira yebonde.

Pamusoro peizvi, MSF inobatsirawo mukuwanisa vanhu mvura yakachena pamwe nenharaunda munzvimbo dzinenge dzaita dambudziko rinoda rubatsiro rwechimbi-chimbi uye mamwe emabhindauko avo anowanikwa munzvimbo dzakadai seChipinge, Harare, Gutu, Mwenezi neMutare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey