Vida anetsekana nekusaita mwana

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho):

Simon naVida vanogara upenyu hunofadza, Simon achiita zvose zvaanogona kuti mudzimai afare. Asi pane chigumbu chikuru chinoitika mumba mavo. Mumba umu munodzima moto kana kuti munoshaikwa mwana.

Miromo yevanhu inotanga kutaura zvakawanda. Amai vaVida vanotambudzika zvikuru nedambudziko iri.

Makare kare musikana aiti kana achinge aroorwa, haazongodzokera kumusha kwake kuti anoona vabereki vake paainge adira pasati paitwa zvimwe zvirango zvokuti asangane nevabereki vake. Kutyora murau uyu zvaireva kuti zvaizotyora misana yevabereki vake.

Amai vaVida vanouziva mutemo uyu asi vanonzwa shungu dzekuti vaone mwanasikana wavo kuti vagone kukurukura naye maererano nenhau yekushaya mbereko.

Mudzimai mukuru anotsungirira kuenda kunoona mwanasikana wavo vazvipira kuti kana musana waityoka waityoka zvawo.Kuti vataurire murume wavo vaiziva kuti aizovarambidza nekudaro vanoruka zano rokuti vanoda kumbondosvika kwavasekuru wavo kwaSeke uko vaizokwanisa kuwana nhume yekutuma kuna Vida kunomutaurira kuti amai vake vaida kumuona kwasekuru.

Izvi zvaizoita kuti zviite nyore kuna Vida kuti aende kunoona amai vake mangwanani, achizodzokera zvake kumurume wake zuva rodoka sokunhu kwaive nemabhazi aifamba muswere wese wezuva.

Izvi ndizvo zvinobva zvaitika, Vida naSimon ndokushamisika kuti chii chainge chichifambira amai. Kuti painge pane chikuru chakaitika kumusha? Apo Vida anoenda kunoona amai vake, vanoshamisika vachiona rino gadzi rakanga rakasimba kwazvo richiratidza kufara iko kumeso kuchibwinya. Vaifunga kuti vaisvikoona kamunhu kakaonda, kane kumeso kwakasuwa.

Ainge akapfeka mbatya dzaiyevedza idzo dzainyatsokwanirana nomuviri wake. Vaviri ava vanokwazisana nomufaro ndokunogara kumumvuri womuti waiva kuseri kwemusha, ndokumbokurukura zvavo dzimwe nyaya. Vanozoona mapinziro enyaya yavo apo vanomubvunza kuti vari kuronga zvipiko nenyaya yevana.

Misodzi yaVida inovaratidza kuti pane zvakanga zvichimunetsa, rimwe donhwe remisodzi ndokudonera paruwoko rwake rwaaichera narwo pasi nakamuti.

Apo vanomubvunza kuti chii chaicho chiri kumboitika, iye anopindura achiti hapana, zvaive zviri kungoramba, amai ndokumuregedza achimbochema kuti shungu dzake dzipomhodzeke.

Musi uyu amai vake vainge vatodenha ronda nyoro vamuyeuchidza zvaimurwadza. Amai vake vakachemawo nazvo. Apo Vida anoti kana akatadza kufadza murume wake, aizozviuraya, amai vake vanoti zvinhu hazvinzarwo, zvinogadziriswa. Vanomubvunza kuti Simon akambotaura nezvazvo here, iye ndokuti kwete.

Amai vaVida vanonyengetedza mwanasikana wavo ndokumuudza kuti vainge vamutsvagira mishonga iyo aizopota achiisa mumvura yaaibikisa sadza. Vanomuvimbisa kuti mushonga uyu waibatsira.

Vanodzokera kune vamwe, amai ndokubvunza mwanasikana kuti Simon aizopihwa zororo rake rinhi, vangagona kuuya kumusha here? Vida anozovaoneka vose achifara kuti zvose zvaimutambudza aisvikonozvikanganwa Simon amufadza.

 

Ongororo:

Chitsauko ichi chizere nemunyori achitaura nhunha dzake. Panotanga chitsauko chepiri asati atanga nhorondo yenyaya yake, ndima yekutanga inobva yatora musambo uyu munyori achitaura maererano nezvinoitika munyika. Patinoti pindei mundima yetatu papeji 10 imwe chete, hoyo atipinza mupfungwa dzake apo anotaura nezvedambudziko rekushaya mbereko.

Tapinda mundima inotevera ava kutitaurira nezvenyaya yekuti vanhu vangoroorana, mwana anenge ava kutarisirwa uyewo nezverudo.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey