Vida anozviona kuti haafarirwe

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Chitsauko 3 (Enderero mberi):

Mai Mashumba vanobva vati handei narwo vakananga amai vaSimon vachivashoropodza nemaitiro avo ekufambidzana nekushamwaridzana nemwana mudiki akaita saJane. Vanoita sekunge vari kunatsiridza nekunzwira Vida urombo asi mazwi omunyori anonyatsa kutiratidza pavakamira chaipo. Munyori anoti, “Mashoko echokwadi hongu asi ari kubva kumharadzi” (22).

Kukakavadzana kunoitika pamwe nekuwedzerwa kunoita kukakavadzana uku zvinoburitswa nekushandiswa kunoitwa tsumo, kudimikira neenzaniso. Papeji 20 tinobva tasangana naivo Mai Mashumba vachikuchidzira kukakavadzana uku vachidoma tsumo inoti, “Matende mashava anopisa hwahwa” (18). Kushaya mwana uku ndiko kuchakanganisa ukama pakati pamai vaSimon naVida vari kuzvitaura kuwedzera shungu dzaJane dzokuti adanane naSimon makakatanwa pakati pavamwene aone kukura uyu Simon achizodanana naJane.

Mai Zipfende vari kukuchidzirawo nechekuno. Tinovanzwa vachishandisira Jane enzaniso vachimuti kana Simon akangoratidza chete kuti anomuda, ngaarege kuita zvinoitwa nemusikana seari kupfimbwa patsva (19). Maererano naVida ngaanyatse kumusvotesa asingamuoni sechinhu asi kuti amuratidze kuti anomuona “semunhu pasina” (19).

Izvi zvinobva zvaita kuti makakatanwa aya akure zvichisimbaradzwa nekudimikira kunoitwa apo zvinonzi, “Shoko rakataurwa namai Zipfende rakapinda rikany’ura rese muhana maJane” (19).

Tichienderera mberi nekushandiswa kunoitwa enzaniso, zvinoitika apo Jane naVida vanoonana zvichinyatsoburitswa nomutoo uyu. Jane apo anoona kuti vachangopesana pakati penzira, anotanga kufamba “achinge asingaoni” nemaziso ake akaita “sokutsinzinya” (20). Chiitiko ichi chobva chawedzera nesekerambabvu (sarcasm) apo Jane anoti, “Manheru mai va- hesvu! Ndanga ndakanganwa kuti hamuna mwana nhai. Ruregerero chokwadi” (20).

Muverengi anonyatsa kuziva kuti sandizvo zvaari kureva asi kuti ari kutokonya nekuseka Vida nemanzwi anoratidza sekumutuka obva ashatirwa asi kuita sehwegonzo rinoruma richifuridzira. Sekerambabvu iyi ine zvainoita zvinobva zvanyatsa kuoneka. Vida anongoti hazvina mhosva “asi mwoyo wake wakanga wabayiwa” (20).

Hazvingogumira ipapo. Mai Mashumba vanobva vazviona kuti pane chihombe change chichitambudza Vida. Anomboedza kuvanziridza achiti hapana chaivepo asi anozozvitaura zvainge zvataurwa naJane. Ndipo panobva pabuda utsukukuviri hwamai ava.

Tinosangana nemunyori achitaura nemutoo wekudzidzisa (writer speaking using didactic tone) apo anoti kune muverengi, “Zvinodaro wani imwe nguva shoko rembavha nemuroyi rinogona kusimbisa nokubatsira munhu” (21). Zvechokwadi tinobva taona Vida ava kutanga kunzwa shungu dzake kuserera.

Chitsauko 4 (Nyaya yacho):

Apo Vida anosvika kumba, anowana amai vaSimon vari pakati pokufara nekuseka naJane uyo anokanga nzungu nekudzisuka nekudzipepeta kwava kugadzirira kudzikuya.

Apo anoti abatsirewo, Jane anoti ngaarege zvake, anoda kudzikuya ega semunhu adzigadzira, vamwene vake ndokupamhidzira vachiti ngaarege zvake Jane akuye.

Vida anozviona kuti haasi kufarirwa mumba umu ndokubva asimuka kuenda kumba kwaaigara kunosona hembe yaSimon uyo anenge asipo panguva iyoyo sezvo ainge ambofamba-famba neshamwari yake Timothy.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links