Vida naSimon vapihwa imba

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 4 (Ongororo: Enderero mberi)

Ndipo patinonzwa vachidimikira vachiti, “Handiti imari iri kuenda ichichema iyoyo?” (27). Jane ane zvakewo zviri kumunetsa. Anoda kupa mufananidzo wekutsvinya maererano nezvaanoti Simon apera basa, akashandiswa nemumwe mukadzi saka angada zvakadarozvo?

Tinomunzwa achidimikira achiita sekutsvinya asi munyori ari kunyatsa kuziva zviri kutsi kwemoyo wake apo anoti, “Ndichida daunha, daunha zvaro rakasukwa nevamwe? Ndashayei?” (29).

Mutauro unoshandiswa naJane zvakare wakasimba uyezve wakazara nekutsvinya. Ngatinzwe zvaanotaura kana achitsanangura amai vaSimon. Zvinonzi paanobvunzwa kuti vakange vamudanira chii, “Ripiwo zijembere rine muhau, rakafumuka sebere . . . Hunzi ndinoda kuti uroorwe naSimon, Vida imhanje, haana basa, anopedza mari yomwana wangu” (29).

Munyori anombopota achisiya gwara renyaya ombotora musambo uya wokudzidzisa (didactic tone). Simon apo anosvika pamba, anosvikowana Vida achichema. Anombomusiya achichema kwekanguva kuti shungu dzake dzipomhoke. Tinomunzwa munyori achiti, “Kumanikidza munhu kutaura iye achine shungu hazvibatsiri kwete” (23).

Enzaniso shoma kwazvo tinodziona dzichishandiswawo. Vida apo anopinda mumba muna mai vaSimon naJane anobva anyatsa kuona kuti kuvepo kwake hakusi kufarirwa zvinotsanangurwa zvichinzi akatozviona “somunhu akanga achikanganisa vaviri vakanga vachifara zvavo” (23).

Muenzaniso wepiri weenzaniso tinouona apo Simon anopinda mumba muna Vida oudzwa zvakanga zvataurwa naJane uyo ainge auya kuzokanga nzungu dzaamai.

Paanonzwa izvi, chiso chake chinobva chaita somunhu akanga achifungisisa”(26).

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho):

Parinodoka zuva, Vida naSimon vachiri mumba vachikurukura, baba vaSimon, VaTigere vanosvika pamusha ndokusvikoswedzana nemudzimai wavo. Pavanovabvunza kuti muroora aswera sei, vanongoti aswera akapfigirana mumba naSimon zvinoita sevava kuda kupopotedzana.

Mudzimai anozoti havasi kuona here kuti muroora haana chinhu, ngaadzorerwe kumusha kwake vanomugadzira, kana zvaramba, Simon oroora zvake mumwe mukadzi.

Baba vanoti hazvinzarwo, vanhu ndevekutanga vambofamba-famba kuti vangaona kuti pane chavangaitawo here kuti zvinhu zvigadzirike ndokubva vabvumirana kuti mangwana acho VaTigere, mudzimai wavo, Simon naVida vaende kwaMugandani imwe n’anga.

Baba vashatiriswa nekutaura kwemudzimai wavo, vanoenda padare kwava kutuma Vida kuti adane Simon.

Vapedza kukwazisana, baba vanotaurira Simon kuti yasvika nguva yokuti muroora apiwewo imba yake kumusha ikoko, Simon ndokuti zvakanaka. Pambonzi nyararwei kwekanguva, baba vanozopinza nyaya yavo yepiri, iyo yainge iri maererano yekusabata pamuviri kwemuroora, Simon ndokuti kana vazodzokera ndipo pavachaenda kundoona chiremba. Baba havagutsikani nevana chiremba vechiRungu, vanozoti vachazotaurirawo mudzimai wavo, Simon akati achanoudzawo Vida.

Vida anofara chaizvo kuve nemba yake zvekuti anobva afunga kunoudza Mai Mashumba avo aiziva kuti vachanoudza Mai Zipfende zvozosvika munzeve dzaJane uyo aida kuti asvotwe. Zvechokwadi izvi ndizvo zvinobva zvaitika pozomuka kunyomba Jane naamai vaSimon.

Zvaanotaurirwa zvinotsamwisa zvikuru asi anozviita kunge zvisina nebasa rose. Apo Jane anosvika kumba, mazwi aainge audzwa anomugumbura zvikuru amai vake ndokuzviona.

Vamubvunza vanoti mai vaSimon vangadai vakavaudzawo kuti ndizvo zvavaida kuita. Vida zvose zviri kuitika izvi ari kuzviona, munhu ndokufara kuti Jane asvotwa.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links