Vieira omira naWenger

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Vieira omira naWenger Patrick Vieira

Kwayedza

PATRICK Vieira anoti haadi kutsiva Arsene Wenger kuArsenal asi gamba remaGunners iri rinotiwo rimwe remazuva rinoda kuzorairidza chikwata ichi.

Wenger ari panguva yakaoma kuchikwata ichi uko kwaari kunzi abve pachigaro chekurairidza pachapera mwaka uno kunyangwe hazvo pakondirakiti yake asarirwa negore rimwe rekuchirairidza.

Zvisinei, kuhwina kwakaita chikwata chake apo chakaumburudza Milan neWatford kwakambodzikamisa vatsigiri vainge vane hukasha.

Vieire – uyo akatambira Arsenal kubva 1996 kusvika 2005 – ane ruzivo rwekurairidza nhabvu zvichitevera kushanda kwaari kuita kuMajor League Soccer uko ari kurairidza chikwata cheNew York City asi haana kuda kutaura zvekutsiva Wenger.

“Ngatiti rimwe zuva ndichada kufunga nezvazvo. Rimwe remazuva,” Vieira akaudza bepanhau reL’Euipe.

“Handingataure zvimwe zvakawanda nekuti hapana zvekutaura nezvazvo uye handidi kutsamwisa Arsene uyo wandinokudza zvikuru nekuyemura.

“Nekuti ari kurwadziwa zvikuru nekunzwa zviri kutaurwa nevakambotambira chikwata chake uye nezviri kuitika munhandare.”

Arsenal parizvino yakagara pechitanhatu muPremier League uye iri kumashure nemapoinzi 12 pakurwira zvinzvimbo zvekupinda mumitambo yeChampions League. –  SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>