Uncategorized

Vochema nemakondomu akashanda

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Vochema nemakondomu akashanda Varume vekwaSeke vachifundiswa nezveHIV

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekwaSeke vari kugunun’una netsika yevamwe vanhu yekurasira makondomu akashandiswa pose pose, kunyanya panzvimbo dzekutandarira sepamabhawa, mamwe acho achizonhongwa nepwere dzichiatambisa.Izvi zvinonzi zviri kuisa utano hwevana panjodzi yekutapurirwa zvirwere.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira wadhi 7, kwaSabhuku Madamombe pasi pechirongwa chaitsigirwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) apo paiitwa ongororo maringe nenyaya dzekurwiswa kweutachiona hweHIV ikanzwa vagari veko vachichema-chema nenyaya yekurasirwa kwemakondomu pose-pose.

VaGift Choga, avo vanova mubatsiri akazvipira kusangano reNAC (volunteer) muchirongwa chekusandura hunhu kuvarume kuti vakoshese nyaya dzeutano, vanoti vanopinda munzvimbo dzose kusanganisira mudzimba, mumabhawa, pamisangano yekuhora chikafu nemimwe vachifundisa varume nevanakomana kuti vasandure hunhu hwavo uye mafungiro.

“Tinovafundisa kuti vakurumidze kubata sekuti tinogona kuita hurukuro yemakondomu bedzi tobva tavafundisa mashandisirwo awo, kwaanowanikwa nemarasirwo aanoitwa,” vanodaro VaChoga.

Vanoti mudunhu ravo mune nzvimbo dzemafaro dzakawanda izvo zvinoita kuti vamwe vanhurume vawanikwe vachipinda murudo rwedande-mutande kana kuti nevadikani vakawanda panguva imwe chete izvo zvinovaisa panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

“Tiri kusangana nedambudziko rekurasirwa kwemakondomu pose-pose, kunyanya mutwumabhawa netwumashabhini twuri kuvhurwa mudzimba. Saka vana vari kuanhonga vachiatambisa. Mazhinji acho ari kugadzirwa mazuva ano ane mavara anoyevedza saka iri idambudziko rinofanira kugadziriswa.

“Kana vana vachifuridza makondomu aya, vane mikana yekuamedza zvekuti vanogona kupererwa nemweya wekufema vakafa kana kubata zvirwere nekuti makondomu ari kuraswa aya anenge akatoshandiswa,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu kuti kana vashandisa makondomu, vaarase muzvimbuzi kana kuapisa kuitira kuti asasvibise nharaunda.

Mumwe mukomana wechidiki munharaunda iyi, Ladslous Simango (23) – uyo anova mudzidzi paUniversity of Zimbabwe – anoti vamwe vana vechikoro vanoonekwa vachifuridza makondomu akashandiswa.

“Muno mave kutoda mushandirapamwe weNAC, Environmental Management Agency (EMA), masabhuku nemadzishe kuti vateme chirango chinotyisa kuvanhu vanowanikwa vachirasira makondomu pose-pose. Vana vari kudya tsvina dzevanhu.

“Tinoda kuti vanhu vashandise dziviriro yekondomu asi vachikoshesawo upenyu hwevamwe,” anodaro.

Sekuru Bensen Mbonje (80) vemubhuku raGombe vanoti nyaya dzekusazvibata ndidzo dziri kuita kuti vamwe vechidiki varasikirwe neupenyu nekuda kweHIV.

“Isu makare-kare taigara kurukuva munguva dzemanheru tichipangwa mazano kuti madzimai nevanasikana havasi vanhu vekuti mve-mve navo, zvisinei nekuti panguva iyoyo kwaisava neHIV asi zvaivakowo zvimwe zvirwere zvejovhera yepabonde. Kana ukada zvekupengesana nemadzimai unosvika kupi? Ndiko kusaka makuva ari kuwanda uye vamwe vanhu vari kufa vari vadiki kwazvo,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzekurasirwa kwemakondomu pose-pose dzinoratidza zvakare kushaikwa hwehunhu.

“Pafunge kuti unenge uchifamba nevanyarikani wongosangana nawo akasungwa achiratidza kuti akashandiswa, unotarira kupi? Izvi zvinosemesa. Musi uno ndakatsiura kamwe kamwana keGrade 1 kari mushishi kufuridza kondomu,” vanodaro.

VaWellington Chiwande vekwaSeke kwakare vanoti dambudziko renzara nehurombo uye kusaendeswa kuchikoro zvakakwana kwevanasikana ndizvo zvimwe zviri kuita kuti vamwe vagumisire vave kuita abasa ekutengesa miviri yavo.

“Tine vanasikana avo vari kuhaiwa vachinotamba mumabhawa (dancers) vachipihwa mari nedoro. Vana ava havasati vabva zera asi mumabhawa vari kupinda. Vamwe vanozotengeswa kumadhara kuti vanoapa bonde, mari yacho ichitambirwa nemuridzi webhawa.

“HIV ingaderera here pakadai nekuti vana ava havangawani masimba ekuti vanoda kushandisirwa makondomu ivo vari kutengeswa uye vachidawo mari?” vanodaro VaChiwande.

Mai Cleopatra Chikumba vanova youth officer wekwaSeke vachishanda kusangano reNAC vanoti vanofundisa vanhu vanoita mabasa echipfambi nyaya dzedziviro yeHIV pamwe nekupa mashoko echenjedzo kune vechidiki maringe neutachiona uhwu.

Kuchiti Mai Florance Ndoro vanovawo District AIDS Coordinator ikoku vanoti vari kuedza napese pavanogona kuti varume vakawanda vachipinde muzvirongwa zvekurwisa HIV.

 

Share This:

Sponsored Links