Voda mendenenzi kumukuwasha

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKUWASHA wekusariritira mwana wake kwemakore akazogurwa kunorira naambuya vake avo vakamuendesa kudare vachida mari yemendenenzi.
Otilia Bruma akamhan’arira Tapiwa Chikukwa kuHarare Civil Court achiti anoda mari yekuriritira muzukuru wake.

“Mukuwasha wangu haasi kuchengeta mwana wake. Akarambana nemwanasikana wangu muna2002 asi kusvika nhasi ndini ndiri kumuchengetera mwana wake. Ndiri kutambura kuti ndiwane mari yekuriritira muzukuru wangu sezvo ndisingaende kubasa.

“Mai vemwana uyu vakatsikwa nemotokari vakakuvara makumbo, havakwanise kusimuka kana kufamba chaiko. Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira mukuwasha wangu andipa $60 pamwedzi kuti ndichengete muzukuru wangu zvakanaka” akadaro Bruma.

Akaenderera mberi achiti muzukuru wake ava nemakore 14 okuberekwa, nekudaro semwanasikana ava kuda zvinhu zvakawanda pakumuriritira.

“Ndinoziva kuti mari yandataura iyi anoikwanisa sezvo ari mutyairi wemakombi uye anowana mari yakawanda pamwedzi.”

Chikukwa akati mari yaidiwa naambuya vake yakawandisa sezvo aine imwe mhuri inoda kuchengetwa.

“Mari yataurwa yakawandisa, hakuna kwandinoiwana. Ndiri kutotamburawo zvakare ndine mudzimai nevana vanoda kuchengetwa. Ndiri mutyairi wekombi uye ndinotambira $200 chete pamwedzi. Ndinokwanisa $20 chete kwete zve$60” akadaro Chikukwa.

Mutongi Barbra Masinire akati Chikukwa anofanira kuchengeta mwana wake nekudaro akanzi abhabhare $50 pamwedzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey