Vodzidzisa vechidiki mabasa emawoko

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vodzidzisa vechidiki mabasa emawoko Mai Mollin Munyaradzi Ziwira

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reOrphan Guardian Angel riri kutsigira chirongwa cheNew Curriculum kuburikidza nekudzidzisa vana vechikoro vanoshaya mabasa emawoko sekusona, kuveza nekuvaka.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiri wesangano iri, Mai Mollin Munyaradzi Ziwira, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vana vane matarenda ezvemabasa emawoko asi vasingakwanise zvekunyora nekuverengwa kwemabhuku kuti vawane chouviri mune remangwana ravo.

“Donzvo resangano redu nderekusimudzira kunyanya vanasikana. Tichashanda nezvikoro takatarisana nevana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakaita sekushaiwa mari kana kuti vanasikana vanokasika kuita zvedzimba vasati vayaruka.

“Vakomana zvakare tiri kuvasimudzira kubudikidza nezvidzidzo zvakaita sekuvaka, kuveza nekupfuya zvipfuyo,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti vakavamba sangano iri neshungu dzekubatsira vana vanotambura zvichitevera mayarukiro avakaita ivo.

“Ini ndakaita mwana ndiri zera rechidiki zvinova zvakaita kuti ndisiire chikoro panzira. Zvakare kubhadharirwa mari yechikoro dzimwe nguva kwainetsa ndichimboishaiwa. Asi nekufamba kwenguva, semumnhu aiva neshungu nechikoro, ndakakwanisa kuenderera mberi ndikapasa ndave kushanda maricho kuti ndinyore O-Level,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Upenyu hwandakararama ndaiona vanasikana nevakomana vachizviriritira. Naizvozvo donzvo redu nderekuti vechidiki vasimukire upenyu hwavo, vasaita mari yekupemha asi kuti vazvishandire.

“Zvakare, takatarisana neavo vechidiki vari kurarama neutachiona hweHIV, vanofanirwa kuti vakwanise kuwana mari yekuendawo kuzvipatara pamwe nekutenga mishonga,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti pari zvino vari kudzidzisa vana vepaMabvuku High School, muHarare, mabasa emawoko sekusona newelding.

“Tiri kuda kubata mabasa emawoko sekubika chingwa nekuvaka takanyanya kutarisana nemazera ekubva pamakore 16 okuberekwa kusvika pamakore 22,” vanodaro Mai Ziwira. Vanoti rimwe donzvo rechirongwa chavo nderekuderedza kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki pamwe nekupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera.

Zvakadai, mukuru wechikoro cheMabvuku High, VaJosiah Mbirimi, vanoti chirongwa cheNew Curriculum chakanaka zvikuru.

“New Curriculum inoda kutsigirwa nekuti iri kubatsira kana takatarisana nezvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinobatsira vanenge vapedza chikoro sezvo vachizowana pekubata,” vanodaro VaMbirimi .

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>