Uncategorized

VODZIDZISWA KUPFUYA HOVE

08 Feb, 2019 - 15:02 0 Views
VODZIDZISWA KUPFUYA HOVE Hove

Kwayedza

VARIMI vanopfuya hove nevanoda kutanga basa iri vari kuwaniswa mikana yekupihwa ruzivo rwakadzama pamusoro pebasa iri nekambani yebfc Consultancy (PVT) Limited iyo iri muHarare.

VaBothwell Chikosi, avo vanova managing director wekambani iyi, vanoti vakaona zvakakosha kuti vabatsire varimi vanopfuya hove.

“Kambani yedu yakanyoreswa nebazi redzidzo yepamusoro. Varimi vehove ava vanouya kwatiri tovadzidzisa machengeterwo ehove nezvose zvinodiwa uyewo tinovadzidzisa kuvaka mafish ponds kana kuti tinovavakira isu toga sezvo tiine michina yekuitisa izvi yemagrader nemafront and loader,” vanodaro.

Vanoti havana mhosva kuti varimi vari kure zvakadii, vanotuma chikwata chenyanzvi dzavo kunovadzidzisa ikoko kusvikira vave neruzivo.

 “Tinofamba kuenda kure tichinodzidzisa varimi, kunyangwe muzvikoro. KwaGutu kuMasvingo takanodzidzisa varimi nevadzidzisi muzvikoro zvinomwe avo takasiya vave kuziva zvose. KuDomboshava zvimwe chete, takadzidzisa vanhu vakawanda zvikuru nekumwe kwakasiyana,” vanodaro.

Kunze kwekudzidzisa varimi kupfuiwa kwehove nekuvaka mafish ponds, VaChikosi vanoti vanotengesera varimi ava hove uyewo nekuvadzidzisa pamusoro pekudya kunodiwa nehove idzi.

 “Kupfuya hove ibasa risingade zvakawanda rinounza mari mumba vanhu vakagara zvavo. Asi rinoda ruzivo rwakadzama kuti varimi vabudirire,” vanodaro.

Varimi ava zvakare vanonzi vanodzidziswa nekutsvagirwa kwekuzotengesera hove dzavo zvisina dambudziko.

“Hatigumiri pakudzidzisa varimi kupfuiwa kwehove chete, asi kuti tinoramba tichifamba nevarimi vedu tichivapa ruzivo rwunosanganisira kubata makasitoma avo zvakanaka, kuvaitisa mamwe makosi ehutungamiri mumabasa avo, kutengesa, kudyidzana zvakanaka nevamwe vose panzvimbo dzavari nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya yedu huru sekambani tinoda kuti kupfuiwa kwehove munyika kukure kuenzana nedzimwe nyika dzinorarama nekuredza hove nekupfuya hove, tigova nemakambani makuru ezvehove nekudzitengesa uyewo vana vedu vowana mabasa kubva mubasa iri,” vanodaro.

Pamusoro pezvose, vanoti havadi kuti varimi vavo vatambure munyaya dzekurima nekudaro vane matirakita anofamba achirimira vavanodyidzana navo munzvimbo dzakasiyana.

VaChikosi vanoti inhengo zvakare yesangano reFish Farming Producers Association uko vanowana ruzivo rwakadzika zvikuru rwezvekupfuiwa kwehove.

“Hatigone kuita basa rekupfuya hove pasina vamwe vedu vesangano reNational Parks and Wildlife Management Authority avo vatinodyidzana navo zvikuru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey