Vodzurwa mazino kumasowe

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Vodzurwa mazino kumasowe Madzibaba Charles Ngoro vachidzurwa zino naMadzibaba Gomwe

Kwayedza

Madzibaba Charles Ngoro vachidzurwa zino naMadzibaba Gomwe

Madzibaba Charles Ngoro vachidzurwa zino naMadzibaba Gomwe

MUPOROFITA wekuChitungwiza ari kuita zvinotyisa — anodzura varwere mazino musango achishandisa mawoko ake uye pasina kana dziviriro yekutapurirana hosha zvekuti kumusangano wepagore uchangobva kuitirwa kuMarondera, anoti akabvisa mazino vanhu vanodarika 60 pazuva rimwe chete.

Murume uyu anoti haazeze zvekutapurirana zvirwere nekuti anoti “kuna Mwari hakuna zvakadaro”.

Ropa reparonda rinenge radzurwa zino richiyerera nemawoko ake, nhunzi dzichiitawo madiro, midziyo yebasa isipo uye varwere vacho vasina kubaiwa majekiseni echiveve – muporofita uyu anongotsukutsa zino mukanwa memunhu nemawoko anenge asi kupfeka magirovhosi rotobva.

Achipedza nemumwe anobva aenda pane mumwe mushure mekunge angogeza mawoko ake nemvura kubvisa ropa nerute.

Madzibaba Elias Gomwe (32), avo vane sowe ravo reJohane Masowe weChishanu pedyo nemusha weRiverside, vanoti vava nechipo chemakore mashanu vachidzura varwere mazino.

Muporofita uyu anoti kusvika pari zvino, abvisa varwere vanodarika 1 000 mazino, kusanganisira vanodarika 60 avo vaakadzura pazuva rimwe chete kugungano raiva kuMarondera.

Pamasowe ake e”Canaan” panozivikanwa nekuti paGomba uye vanhu vanoonekwa vakamirirwa kubatsirwa.

Kwayedza yakashanyira muporofita uyu pasowe rake nemusi weChishanu wadarika apo akawanikwa achidzura vamwe vanhu mazino achishandisa mawoko ake pasina dziviriro. Murume uyu akange asina kana zvimwe zvinhu zvekushandisa sezvinoita machiremba kumakiriniki nekuzvipatara.

“Regai muone ndikubvisirei mazino kuvarwere vangu vari pano. Hazvisi zvemasaramusi,” akadaro Madzibaba Elias achindonyera ruwoko rwake mukanwa memumwe murume.

“Ndinobatsira vanhu vakawanda zvikuru pano nekuti zvipatara nemachiremba vanodhura kuti vanhu vanobviswa mazino ikoko. Imbai rwiyo rwengoni mapositori tibatsire vanhu,” akadaro achifambira mberi nebasa.

Panguva iyoyo vamwe varwere vakabva vaita mudungwe vakapfugama vakatarisa kwaiva nemuporofita uyu vachimirira kudzurwa mazino apo vaiimba rwiyo rwunonzi “Humambo hwekudenga”.

Murwere aiva pamberi, Madzibaba Charles Ngoro (37), akabva anzi ashame apo muporofita uyu aigeza mawoko ake nemvura ine munyu yaiva mumbiya yevhu. Parutivi pake paive nemumwe munamati aiva neimwe mbiya yemuti iine dota.

Asati atanga kudzura zino remurwere, muporofita uyu akatora dota mundiro achibva arizora pazino raaida kubvisa.

Madzibaba Elias vakashamisa murume uyu ndokubata zino rake rairwadza, ndokuritsukutsa kusvika rabva.

Ipapo ropa nerute zvainge zvodhubhuka kubuda mukanwa zvichingoyerera nemumawoko emuporofita uyu. Rimwe raidonhera pasi.

“Rambai zvenyu makatarisa tichibvisa murwere wedu zino, harimbomurwadza zvinotodarika kupfava vaye vanoenda kuzvipatara vanobviswa vatanga vabaiwa majekiseni echiveve,” akadaro Madzibaba Elias.

Muporofita uyu akatsukutsa zino iri munguva isingadarike maminitsi gumi richibva rabva, apo Madzibaba Ngoro vakasara vachiyerera rute neropa.

Murume akatanga kubviswa zino uyu haana kushandisirwa kana jira rekubvisa ropa nerute sezvo akangosimuka paaiva akapfugama ndokungosuduruka kachinhambwe, upo akanosvipira pasi.

Zino rake parakabviswa rakatanga raiswa mundiro yevhu akazoripihwa iye achinzi aifanirwa kunorirasa mumvura yemurwizi senzira yekuti asazorwadziwa nemazino zvakare.

Kumakiriniki nezvipatara, kune zvakawanda zvinoitwa murwere wezino, kusanganisira majekiseni echiveve, mapiritsi ekuderedza marwadzo nekudzivirirawo kupinda kwehosha dzakaita seHIV neHepatitis B neparonda. Machiremba anopfekawo zvinovadzivirirwa semagirovhosi vachishandisa michina yakakodzera.

Achibvunzwa nezvemadzurirwo aakaitwa zino rake, Madzibaba Ngoro akati: “Handina kumborwadziwa pandabviswa zino mufunge, kunyangwe musoro handina kumbounzwa. Ndazongoshamisika kunzwa voti ndaribvisa. Ndaingozeza kuti vandibvise apo ndaingoona vamwe vachidzurwa pamasowe pano.”

Murwere uyu akazoiswa dota pavende rainge radzurwa zino.

Muporofita uyu akabva ageza mawoko nemvura yaiva mumbiya ndokuenderera mberi achibvisa vamwe vanhu mazino.

“Kunze kwekudzura, tinonyaradzawo mamwe anenge achakanaka kuti asarwadze kana kuwora. Haazofa akarwadza zvachose. Zvose izvi zvinoitwa pachena nekuda kwaMwari,” akadaro Madzibaba Elias.

“Pandinofamba kune vanondiziva, vangava vatinonamata navo kana vamwe, vanonditi chiremba wemazino.”

Madzibaba Elias obvunzwa nekuda kwekukoshesa nyaya dzeutano mubasa rake iri sezvo achidzura mazino asina kupfeka kana magirovhosi mumawoko, akati Mwari akavapa simba rekuporesa nekudzura mazino “mukuru kudarika zvose”.

“Ndinodzura mazino ndisina magirovhosi, nyaya yekuti kune kutapurirana kwezvirwere pandinoita basa iri hakuna zvakadaro kuna Mwari,” akadaro.

Mumwe mudzimai akabatsirwa musi uyu aiva nemazino airwadza, Mai Molline Mudzingwa, vanoti kubva pavakangonamatirwa, mazino avo maviri airwadza akabva anyarara.

“Isu tiri varombo saka tinotenda Mwari nekutiunzira muzodziwa wake anotirapa mazino nekutidzura pachena,” vakadaro Mai Mudzingwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>