Uncategorized

Vofamba nyore kuBuhera South

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vofamba nyore kuBuhera South Cde Chinotimba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZAMBUKO idzva reNyadi, iro rakavakwa murwizi Nyamuzezi kuBuhera South rava kubatsira vagari veko zvikuru kana vofamba nemabhazi kana nedzimotokari .

Nhengo iri kukwikwidza musarudzo dzeNational Assembly yakamirira Buhera South mubato reZANU-PF, Cde Joseph Chinotimba, ndivo vakavakisa zambuko iri vachibatsirana neDistrict Development Fund (DDF).

Zambuko iri rakakumikidzwa zviri pamutemo svondo rapera negurokota reHurumende rinomirira Manicaland, Cde Monica Mutsvangwa.

Zambuko iri range raipa zvikuru sezvo raive radambuka izvo zvanga zvotadzisa mota nemabhazi kuyambuka rwizi urwu. Izvi zvange zvokonzera veruzhinji veko kufamba mitunhu inodarika makiromita makumi matatu kunosvika kumugwagwa weBirchenough-Murambinda kuti vawane mabhazi ekuenda kuBirchenough, kwaMutare, kuHarare, kwaRusape kana kuChipinge.

Zambuko reNyadi — Mifananidzo naNicholas Bakili.

Cde Chinotimba vanoti kuvakwa kwezambuko iri ibudiriro huru mudunhu ravo.

“Zambuko iri rinoshandiswa nemabhazi nemotokari dzinobva kungava kwaMurambinda nekwaBangure kudarika nekwaMutepfe uchinosvika kuBirchenough. Kureva kuti vanhu vanogara kumawadhi edu emuno anoti 19, 21, 24, 26, 27, 29, 30 ne33 vanga vasisawane mabhazi kana motokari dzinovatakura nekuda kwezambuko iri,” vanodaro.

“Tine mabhazi anobva kuHarare achidarika nekwaMurambinda achizoenda nekwaBangure, kwaBhegedhe nekuBirchenough ave kuyambuka nepazambuko idzva iri ayo akange ava kugumira parwizi urwu vanhu vachizopedzisa nzendo netsoka.

“Zvino chatava kuda kuti vemabhazi nemakombi vafambe nevanhu kuchiri kuchena,” vanodaro.

Cde Chinotimba vari kubatsira zvakare kuvandudzwa kwemamwe mazambuko emudunhu ravo ayo anosanganisira reMukove nereChadzire.

VaMasimba Kurasha (29), avo vanova muzvinabhizimisi paMuzokomba, vanotenda nekuvakwa kwezambuko iri. “Ndinofamba ndichitsvaga nzungu muno uye ndaishaya mafambiro nemota kuti ndinosvika kwaBhegedhe kana kuNyadi. Kuvakwa kwezambuko iri ibudiriro huru muno, motokari dzava kufamba pasina dambudziko,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaTauya Bope Muchazorwiwa Marume (35) vemubhuku raMatanga vachiti, “Munguva yeZhizha tanga tisisakwanise kubvakachirana. Tinotenda Cde Chinotimba nebasa iri.”

Share This:

Sponsored Links