Uncategorized

Vofurufushwa nemapere

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Vofurufushwa nemapere

Kwayedza

  • Anoumburuka mumisha zuva rakacheka nyika

VAGARI vekwaNyashanu, kuBuhera, vave kugara vakabatira hana mumawoko zvichitevera dambudziko remapere arura zvekusvika pakuuya zuva rakacheka nyika.

Mapere aya anonzi anetsa kunzvimbo dzinosanganisira Manjokota neMutepfe, uko anonzi ari kudya zvipfuyo zvakaita sembudzi, makwai, mombe nehuku.

Chiri kunyanya kuvhundutsa vagari vedunhu iri ndechekuti mapere aya anonzi ari kufamba masikati machena pasina kana kutya vanhu.

Mai Selina Chingore (34), avo vanobva mubhuku raKuvarairwa, vanoti vave kutya kutuma vana kana kutsime chaiko nekuda kwezvikara izvi.

“Mapere anetsa zvikuru kunyanya kumisha inoti Magume, Chikwari nemimwe yakakomberedza uko ari kusvika muzvivanze asingambotya vanhu. Ari kubata huku, mbudzi, makwai, mhuru kana mombe huru,” vakadaro Mai Chingore. Vanoti vane fungidziro yekuti mapere aya ari kubva mumakomo eko.

“Svondo rakapera, ndakapona neburi retsono apo ndakaperekedza hanzvadzi yangu kunokwira bhazi. Pandakamukwidza, ndave kudzokera kumba, ndakasangana nemapere ndikapona nekuapotsera nematombo nezvimiti,” vakadaro. VaJoseph Manjokota (59) vemubhuku raManjokota, vanoti mapere aya ari kuvatyisa nekushamisa.

“Kuno mapere ashupa, ari kuita madiro masikati nehusiku. Tave kutofamba takawanda masikati uye husiku togara mudzimba,” vakadaro VaManjokota.

Mapere aya anomboonekwa masikati achiumburuka kumatanga nemuzvivanze zvemisha.

“Hatichaziva kuti mapere aya ndeevanhu here kana kuti ndeemusango nekuti ave kuita seanotumwa. Ari kubva mugomo reChirambadota nereMutombonyi achizouraya zvipfuyo,” vakadaro.

Kune bere diki, rinonzi nevagari veuku “kabere”, iro rinofamba rega richipinda kunyangwe mudzihozi nemuzvirugwi richibata zvipfuyo.

“Kabere aka kakanoruma huku pamba paSimeon Manjokota svondo rakapera kakatiza kakairuma apo kakaonekwa nevanhu vachida kukarwisa,” vakadaro

Mapere aya anonzi akauraya hwai mbiri masikati machena pamusha paVaMbozha Chingore, mubhuku rimwe chete iri.

“Mapere akasvikopinda mukati mewaya yakakomberedza musha uyu ndokubata hwai masikati. Vavakidzani vepo, vekwaAdmire Sithole nevekwaEnock Kahwi, vakazoedza kudzinganisa mapere maviri aya asi aitiza akaruma hwai idzi,” vakadaro VaManjokota.

Nhengo inomirira Buhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakatsinhira dambudziko remapere arura aya.

“Mapere arura zvedi kuNyadi, Mutepfe nedzimwe nzvimbo mudunhu redu. Handizivi kuti ndeevanhu here nekuti ndakanotora veNational Parks achibva atiza mazuva iwaya asi akazodzoka vaenda,” vakadaro Cde Chinotimba.

Vanoti imwe mhuri yekwaMutepfe yakazobatsirwa nemurume ane pfuti yemhuka uyo akanzwa vachichema kuma3 mambakwedza akazoridzira pfuti mudenga vanhu ava pavairwiswa nemapere ayo akazotiza.

“Dambudziko iri rawedzerwa nevemabhazi vadzokera kutsika yavo yekufamba husiku apo vanhu vanonogarira mabhazi kunze kwakasviba. Mabhazi akaita saMwayera, Kukura Kurerwa neZupco ari kufamba husiku izvo ndakaramba kare.

“Ndinoda kupedzerana navo vabve zvavo mumugwagwa weMurambinda-Birchenough kuuye vanokwanisa kushanda nesu nekuti vanhu vachapera nemapere aya isu takayeva. Ndiri kuvapa yambiro yekupedzisira izvozvi,” vakadaro Cde Chinotimba.

Share This:

Sponsored Links