Uncategorized

Vogadzira makuva ehama neevatorwa

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

VAGARI vekwaMakwarimba, kuHwedza, vadzokera pasichigare – vari kukurudzirwa nasadunhu weko kuremekedze vanhu vose vakafa munzvimbo iyi kuburikidza nekuvakirira makuva ehama dzavo pamwe chete nekuti pamarinda pagare pakachena.

Iyi inonzi itsika yaisiitwa uku makarekare asi ndokunge yaregedzwa nekupindana kwemazuva.

Sadunhu weko, VaMark Makwarimba (83), vanoti danho iri vakaritora nedonzvo rekukoshesa chivanhu mudunhu mavo vachiti iyi itsika yakagara ichiitwa kubva pachinyakare kuti makuva anovakirirwa uyewo achitsvairwa kamwe chete pagore.

“Kubva pasichigare, makuva evanhu vakuru aisakurirwa nekutsvairwa kamwe chete pagore apo paitoshevedzwa varoora nevakuru venzvimbo, varoora vachipururudza vachizopihwa mari kuti vabvise marara avainge vasakura nekutsvaira. Izvi zvaiita kuti vafi vedu vaite chiremerera,” vakadaro Sadunhu Makwarimba.

Chirongwa chekuvakirira makuva ichi vanoti vakachitangisa gore rino mushure mekuona kuti vachakabvu vakanga vasisapihwe chiremerera.

“Makurukota angu akatenderera muno ndokuona kuti mamwe makuva akanga asisachengetedzwe, aizoonekwa chete kana kwafiwa nemumwe munhu pave kuda kuvigwa mumwe. Kwaitotangwa kwatemwa miti, kochekwa uswa nekukura migwagwa kuti vanhu vakwanise kusvika pamakuva. Saka izvozvo takazvipedza,” vakadaro. Mudunhu iri makuva ari kuvakirirwa mamwe achikomberedzwa nekutsvairirwa kuti nzvimbo dzaari dzigare dzakachena.

“Hazvina mhosva kuti makuva evatorwa, anotsvairwa chete mushure mekunge tatanga takumbira tichitaurira vafi ava kuti tave kuvachenesa kuti vagare pakatsvinda, zvisinei kuti hativazive,” vakadaro Sadunhu Makwarimba.

Basa rekukurudzira kuvandudza makuva iri riri kuitwa nemakurukota asadunhu nemapurisa avo, avo vanoshanda nemasabhuku kuti chirongwa ichi chibudirire. “Kunze kwekutevedza chivanhu chedu, imo mumakuva umu ndimo manga mave kuurairwa zvipfuyo zvichivhiirwamo isu tichiti tikanzwa kutaura kana kufamba kwevanhu munzvimbo idzi usiku totya kana kutiza tichiti zvipoko,” vakadaro.

Vanoti kana vanoita chipfambi vaiwanikwa vakahwanda mumakuva umu. “Fungai kuti mukati memakuva maiwanikwa makondomu, kurakidza kuti maiitirwa chipfambi,” vakadaro.

Mudunhu raMakwarimba mune masabhuku 69 avo vakaziviswa kuti makuva ose ari mumisha yavo anofanirwa kugadziriswa uye sabhuku anotadza kutevedza chisungo ichi anosungwa zvose nevanhu vake voripiswa mbudzi.

“Sabhuku akataurira vanhu vake kuti vagadzire makuva avo vakaramba anozivisa kwatiri tozoshevedza vanhu ava tovaripisa,” vakadaro Sadunhu Makwarimba. Chirongwa ichi chinonzi chiri kuitwawo kune dzimwe nzvimbo muHwedza.

“Kune vasati vaita chirongwa chekuvaka makuva ehama dzavo, mukana uripo vasati vashevedzwa kudare rasadunhu. Takazoti musi waMbudzi 1 gore roga-roga makuva anofanirwa kuvakirirwa nekutsvairirwa rinova ‘heroes day’ redu muno maMakwarimba,” vakadaro.

Munzvimbo iyi vanoti mune makomo anoyera umo makavigwa nadzitateguru avo, umo makuva ari kunhadzurudzwa zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>