Uncategorized

Vogara mumakadhibhokisi ‘dhedhi’ vari kushamwari

07 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKADZI wekusiiwa pamhene apo akatizwa nemurume akaudza dare kuti ari kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa pamba paairoja nenyaya yekusabhadhara rendi uye ave kugara nemhuri yake mukamba kemakadhibhokisi musango. Catherine Gwara akamhan’arira Aurthur Chinyama kudare reHarare Civil Court achida mendenenzi.

“Murume uyu akangotiza pamba husiku ndakarara. Ndakazomuka ndichiona pamubhedha pasisina munhu ndikazomubatira kumba kweshamwarikadzi,” akadaro Gwara.

“Ane mabasa echitsotsi akawanda aanoita, ane yunifomu yemapurisa yaanopatiroresa nayo husiku kutsvaga mari nekutamba makasa. Ndiri kuda $200 yekuchengeta vana vake.

“Ndanzwa nekukanga waya nevana iye achifara neshamwarikadzi. Izvozvi takadzingwa pataigara nekushaya mari yekubhadhara, zvino ndave kugara nevana musango muimba yemakadhibhokisi. Kana sipo chaiyo handina,” akadaro.

Chinyama haana kuwirirana nezvaainge zvataurwa naGwara ndokuti:
“Ini hangu ndakangofunga kumutiza nekuti haagarikike naye. Haadi kugeza, ane hutsvina ndizvo zvandakamutizira.
“Imba yese inenge ichinhuhwa mukaka wemwana netsvina, anoisa manapukeni emwana ane tsvina pasi pemapiro atinoraraira.

“Kushamwarikadzi hakuna izvi zvese, ndinenge ndakatambarara nemufaro. Vana ndinochengeta hangu asi handishande, mari yaanotaura handina. Kana kumba kwavo handina kumbobvisa mari yakakura kudaro. Ndinokwanisa hangu kumupa $5, ndiyo yandinowana nekukiya-kiya, semurumewo handizoshaye dhora pazuva.”

Mutongi Gamuchirai Siwadi akati Chinyama abhadhare $50 yemendenenzi pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links