Voita mari nedikita raTuku

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Voita mari nedikita raTuku Mushakabvu Dr Mtukudzi

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVICHITEVERA kushaika kwegamba renyika Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi svondo rapera, vanhu “vanopisa” (piracy) nekutengesa mimhanzi pamusika wemukoto vave kukohwa pavasina kurima sezvo vari kuita mari nenziyo dzemushakabvu uyu. Izvi hazvisi kuitika muno chete, asi nekune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa kunzvimbo dzinosanganisira Durban, Cape Town, Polokwane neBloemfontein.

Svondo rino, Kwayedza yakafamba muguta reHarare ikazvionera mimhanzi yaTuku ichitengeswa pamukoto mumugwagwa yakaita saJulius Nyerere.

Madambarefu aDr Mtukudzi anosanganisira Paivepo, Chikonzi naDande ndiwo anonzi ari kunyanya kutengwa.

Tongai Gora (29) anoti bhizimisi riri kufamba chaizvo nekuda kwekutengwa kuri kuitwa mimhanzi yaTuku.

“Taita mari naTuku kani, mhanzi yake iri kufamba zvikuru. Mota yese iri kudarika pano iri kungobvunza nezvemimhanzi yake. Asi yevamwewo vanosanganisira Jah Prayzah, Enzo Ishall naKiller T iri kufamba zvakare,” anodaro.

Achibvunzwa kuti anoziva here kuti imhosva kutengesa mimhanzi iyi pamukoto, Gora anoti, “Hongu, ndinozviziva kuti imhosva, asi zivai kuti vacho veAnti-piracy ndivo vanotouya vachitipa maCD kuti titengese. Saka isu tingori pabasa.”

Mumwe anotengesa mimhanzi mumigwagwa yemuHarare, Wellington Chinhambwe (22), anoti anorwadziwa nekufa kwaTuku saka kutengesa kwaari kuita nziyo dzake kusimudzira zita rake kuti rirambe rakapfumbira.

“Ini hangu ndinozviziva kuti mhanzi yatiri kutengesa ndeyepairesi, asi tingaita sei kana iriyo iri kudiwa nevanhu?

“Ndaifarira mimhanzi yaTuku zvekuti ndakarwadziwa chose svondo radarika paakatisiya,” anodaro Chinhambwe.

Achitaura svondo radarika kuNational Sports Stadium, uko kwaiva nemutambo wakaitwa kuonekana naDr Mtukudzi, muimbi Alick Macheso anoti chirwere chepairesi chinofanirwa kupedzwa nekuti chiri kurozva vaimbi.

“Denda ratasarirwa naro iro rinofanirwa kugadziriswa ipairesi. Kana rikagadziriswa, (vaimbi) hatizofe tiri marombe,” anodaro Macheso.

Mumwe anova nhengo yeAnti-piracy Organisation of Zimbabwe achishanda kuGramma Records – uyo asina kuda kuburitswa zita rake achiti anotyira upenyu hwake – anoti dambudziko repairesi rinofanirwa kupedzwa nemapurisa kuburikidza nekusunga vanhu vanotengesa mimhanzi pamusika wemukoto.

“Ini ndaita mutete panyaya iyi, imhosva pasi pemutemo kutengesa mhanzi yepairesi asi vanotengesa vari kungosiiwa vachiita zvavanoda.

“Mapurisa vanofanirwa kusunga vanhu kwete kuvasiya vachiita zvavanoda. Zvinozivikawa kuti ose maCD epairesi anogadzirwa kuMbare, asi kuti ndiende ikoko ndinogona kufirako.

“Kare taiziva kumapurisa kuine desk reAnti-piracy asi rakazoendepi? Saka zvinoda kuti ivo mapurisa vapindure munyaya iyi,” anodaro.

Mutauri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa anosunga vose vanenge vawanikwa vachitengesa mimhanzi pamusika wemukoto.

Vanoti imhosva huru kutengesa mimhanzi yepairesi uye vachaongorora nyaya yekuti nziyo dzaDr Mtukudzi dzave kutengeswa zvisiri pamutemo.

“Isu semapurisa, tinosunga vanopara mhosva iyi. Iyi iyambiro kuti siyanai nazvo. KuMbare uko tinogara tichinosunga vanotengesa mimhanzi iyi uye isu kumapurisa tine bazi reLicense Inspectorate iro rinoongorora nyaya dzerudzi urwu. Iri nhau yekupairetwa kwemimhanzi yaDr Mtukudzi, tichaiongorora,” vanodaro.

Sangano renhau reCAJ News Africa rinoti migwagwa mikuru yekuSouth Africa yakazara nenziyo dzaTuku idzo dzakapairetwa mushure mekushaika kwake. Dr Mtukudzi akashaya nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekurwara nedenda reshuga. Muimbi akaitwa gamba renyika uyu anga aine mukurumbira muZimbabwe nepasi rose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey