Uncategorized

Vokohwa mvura kuBindura South

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
Vokohwa mvura kuBindura South Tsundai Weir

Kwayedza

VARIMI vekuBindura South, kuMashonaland Central, vari kubatsirikana nezvirongwa zvekukohwa mvura izvo zviri kutungamirirwa nenhengo inovamirira mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Cde Matangira vanoti vari kuita mabhindauko akasiyana ekukohwa mvura mudunhu iri nechinangwa chekusimudzira mabasa ekurima.

“Muno tine madhamu atakaona asingapwe mvura, ndiwo atiri kushandisa munyaya dzemadiridziro kuitira kuti varimi vawane chouviri. Tine Nhunguza Irrigation Scheme, Tsunda Weir, Masembura Dam, Zvarimwa Weir, Nyamatsatse Weir neNekate Irrigation Scheme,” vanodaro.

Cde Matangira vanoti muzvirongwa zvemadiridziro izvi vari kushanda nebazi rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze.

“Kuno kunorimwa, ndiko kudya kwedu uye veruzhinji vanotowana raramo. Hatidi simbe, ivhu rine upfumi,” vanodaro Cde Matangira.

“Tichaenderera mberi nekuvandudza mabasa ekurima. Tinotenda Hurumende nekutipa ivhu. Tinorima chibage uye tine Tongai Milling muno muMash Central yatinoda kuvandudza inova inoona nezvekugadzirwa kwehufu kuitira kuti tikwanise kutengesa hupfu muno pamwe nekunze kwenyika,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaParadzai Dyare vanove sachigaro wezvirongwa muBindura South vachiti mabasa ekurima ari kuvandudza upenyu hwevarimi vakawanda mudunhu ravo. “Vabereki vari kuendesa vana kuzvikoro, kuvaka dzimba nekutenga zvakaita sezvigayo zviri kuvapa bhizinesi. Chimwe chinoita kuti kurima kwedu kubudirire ndinoda kutenda madhumeni eAgritex avo vanoshanda nesu mukutipa ruzivo,” vanodaro. Nhunguza Irrigation Scheme iri kubatsira mhuri dzinosvika 350 idzo dzinorima zvirimwa zvakasiyana pamahekita 500.

Varimi vari pasi pechirongwa ichi vanorima zvinosanganisira mbatatisi, magaka nematomatisi vachitengesera makambani makuru.

Mumwe wevarimi ava, Mai Calister Sonhiwa (53), vanoti vari kubatsirikana zvikuru nechirongwa chemadiridziro ichi.

“Ndakatanga kurima mugore ra1979 uye tinorima kubva gore richitanga. Zvirimwa zvedu zvinoita nekuda kwenzira dzekukohwa mvura dzatinoshandisa iyo tinozoshandisa kudiridzira. Zvimwe zvirimwa hatimirire mwaka wazvinorimwa, chatinokoshesa kuvapo kwemvura chete,” vanodaro Mai Shonhiwa.

Vanotenda bazi rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze nerubatsiro rwavanowana muzvirongwa zvemadiridziro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>