Vokohwa pakuru neSyngenta

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vokohwa pakuru neSyngenta Zvimwe zvaiitika nguva pfupi yadarika pachirongwa chekumema munda waVaCharles Mukewa - vekuAberfield, kuKwekwe nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

SHAMBADZO

CHIRONGWA chekumema munda wemumwe murimi mukuru – VaCharles Mukewa – vekuAberfield, kuKwekwe nguva pfupi yadarika chakabudirira zvikuru uye chakapindwa nevarimi vanodarika 200 nevarimisi veAgritex makumi mashanu avo vaibva kumatunhu akasiyana munyika.

Vazhinji vevarimi ava vaiva veA2 uye varimi vakuru vanorima zvekutengesa kumisika mikuru vemuno.  Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMidlands, Cde  Owen Ncube, vakapembedza chirongwa ichi mukusimudzira kwachinoita varimi muZimbabwe.

VaMakewa vakarima mhando mbiri dzembeu yeSyngenta dzinoti MRI 514 neMRI 624  uye dzakanonoka kurimwa nomusi wa25 Zvita 2017  uye vanotarisira kuwana mahekita manomwe echibage.

Murimi uyu akashandisa mushonga weSyngenta – Bateleur Gold – kuti ange achiuraya sora uye chikamu chinodarika 50 percent chemunda wake chakanga chakachena.

VaMakewa vari kugutsikana nembeu dzeSygenta kusanganisira dzemuriwo nemishonga yacho zvisinei nekuti vakatanga kurima mbeu idzi mumwaka wa2016-17.

Pane dzimwe mbeu dzakasiyana, VaMakewa vanoti vakatopedza kukohwa matomatisi emhando yeSyngenta Chibli F1 Hybrid Tomato uye vakawana goho guru.

Mbeu iyi inogona kupa goho rinosvika 120mt/ha. Murimi uyu anorima zvakare makabheji emhando yeSyngenta Cabbage Fabiola F1 rinova rinokurumidza kukura mukati memazuva 65 kubvira panguva yekudyara.

Kambani yeSyngenta yakatendawo zvikuru VaMakewa nekugona kurima zvine unyanzvi mbeu yechibage, kunyanya MRI 514 & MRI 624.

Mukuru anoona nezvekushambadza kukambani iyi, VaTawanda Nixon Mangisi  vanoti vanokurudzira varimi vese kuti vange vachishandisa mbeu nemishonga yeSyngenta.

Share This:

Sponsored Links