Uncategorized

Vokumurwa hembe ‘nezvinhu’

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Vokumurwa hembe ‘nezvinhu’ Kudzanai Chigega

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kudzimba dzeCABS, kuBudiriro 5, muHarare, yapererwa nemazano angabatsira mwanakomana wavo uyo ari kungorumwa zvekusara akadhindika mazino, kuswinywa nekubviswa mbatya nezvinhu zvisingaonekwe.

Kana akabuda ropa paanenge arumwa, rinongobva serananzwa.

Sekunge izvi zvishoma, midziyo mumba iri kungosimudzwa ichikandwa mumhepo.

Kwayedza svondo rapera yakazvionera pamunho sefodya apo mwana uyu akatanga kuswinywa nekurumwa nezvinhu zvaisaonekwa, ndokutanga kuridza mhere apo midziyo yepamba apa yaipotserwa mudenga.

Mwana uyu, Kudzanai Chigega (11), anorumwa nemazino anoita kunge emhuka diki sembeva nemamwe anosara akadhinda seemunhu. Paanorumwa panosara pakatota nemate ayo aanoti anopisa.

Kudzanai Chigega achitaridza mukanwa maanoti anorumwa nezvinhu zvisingaonekwe

Kakomana aka kanotiwo kanoona nyoka hombe ichipinda mudzimba dzavo uye kana kakarumwa pakabuda ropa, rinokurumidza kubva serananzwa.

Vabereki vake, VaKnowledge Chigega (34) nemudzimai wavo Ruvimbo Mandizha Chigega (33) – vepanhamba 21349 Budiriro 5B – vanoti vashaya zano nekuda kwezvavari kusangana nazvo.

Ruvimbo Mandizha

“Hatina rugare, dambudziko iri takabva naro kwataigara kuAvondale (muHarare). Baba vakatanga kushaya chipfeko chavo chemukati ndokuzoshaya mabhurugwa edu tose. Mbatya dzedu taimbodziona dzakayanikwa kuwaya yevamwewo vanhu asi isu tisina kudziisako.

“Patakatama tichiisa mbatya mumotokari, hembe dzedu dzaitorwa nezvinhu zvataisaona dzichikandwa mumhepo nekuburutswa mumota pasina munhu watakaona,” vanodaro Mai Chigega.

Vanoti vaingoona mbatya dzavo nemimwe midziyo zvichikandwa mudenga zvichiburitswa mumota.

Poto yainzi ine nyoka

“Pane patakambobvunza vanhu ivava kuti sei tichiona mbatya dzedu dzakayanikwa kumba kwavo asi hatina kuwana mhinduro inogutsa. Vaingotiwo havazive kuti zvinofamba sei.”

Mai Chigega vanoti vave nemwedzi mumwe chete vatamira kumba kwavo kuBudiriro asi masaramusi aya atowedzera.

“Dambudziko racho ratokura, mwana kana kuchikoro haachaenda, ari kungoona nyoka iyo isu tisingaone. Anoti nyoka iyi inomuudza kuti achapfidza.

“Anoiona kana mumabhuku ake kuchikoro,” vanodaro.

Mai Chigega vanoti pavaigara kuAvondale, vakapisa zvipfeko zvavo zvemukati zvinodarika 30 nemasokisi izvo zvaiburitswa mumba nemunhu wavaisaziva vozongowana zvakayanikwa kuwaya kwevamwewo vanhu.

“Zvinhu zvedu semidziyo nembatya zviri kungokandwa mumhepo pasina munhu watinoona. Fungai kuti masaga esimende tinoaona iri mumhepo nekurema kwayo kuye, kuita sendege. Hapana chisingasimudzwe, migomo yemvura iri kutakurwa mvura ichisviraswa mudzimba,” vanodaro Mai Chigega.

Risheni Chigega

Mwana uyu akazotanga kurumwa nekuswinywa apo Kwayedza yaivapo uye akatonekwa mazino akadhinda nemavanga ekuswinywa.

“Ndave kurumwa nekuswinywa kani! Honai ndave kurumwa futi mukanwa mangu,” anodaro mwana uyu achizhamba vatori venhau varipo.

Panguva yaitorwa mifananidzo naTariro Kamangira weKwayedza, kamera yacho yakabva yadzima zvisinei nekuti yainge izere moto zvikashamisa vaivepo.

“VaMapupu kamera yangu yadzima, hamheno kuti chii. Ndipeiwo foni yenyu ndishandise kurumidzai,” anodaro Kamangira.

Ipapo mwana uyu akabva ashevedzera kuti redhiyo yavo yainge yobviswa painogara pamwe nebhutsu dzaamai vake ndokuti sipo nemushonga wekugezesa mazino zvaitorwawo muchimbuzi chavo.

Kwayedza nevemhuri iyi vose vakasimuka kuenda mumba ndokunowana redhiyo yabviswa painogara, yaiswa pamubhedha uye imwe bhutsu yaMai Chigega yaiswa pamusiwo, imwe yacho yava kuseri kwemba.

Panguva iyi, sipo nematombo zvaiva muimba yekugezera zvakatanga kupotserwa kuvatori venhau izvo zvaidarika padyo nemisoro yavo apo vepamba apa vaishevedzera kuti zvinhu zviye zvatanga.

Kudzanai Chigega achitaridza mavanga ekuswiny’a – Mifananidzo naTariro Kamangira

Mukomana uyu akashevedzera zvakare Kwayedza iripo kuti nyoka iya yainge yauya achiti yaiva mupoto apo vatori venhau vakaenda vakanowana mupoto muchingova nemuriwo wemufushwa apo iye aiti yaivamo – hombe uye iri nhema.

“Honai nyoka iyo mupoto umo, yave kubuda, yave kuenda kumota yenyu (vatori venhau). Tizai yapinda mubhuti, yabuda yapinda muexhaust, yabuda futi yave kuuya kuno,” aidaro mukomana uyu.

Izvi zvakapa kutya kukuru kumutyairi weCharles Nyakudya uyo akapotsa atiza mumota maaiva.

“Zvinhu izvi hatizivi kuti zvidhoma here kana kuti zvikwambo, hazvidi kuona mwana uyu. Akangopinda mumba zvinobva zvatanga.

Mota yainzi yapinda nyoka

“Takambomuendesa kwababamukuru kuChitungwiza uko zvakatevera zvikanotanga kurongonora zvinhu mutuckshop ikoko. Tava kutya kumusiya oga, anotofamba nevamwe babamudiki.”

Mai Chigega vanoti migoro yemvura inotakurwa ichinodirwa pamubhedha.

“Mwana uyu akada kutaura zviri kuitika anorumwa mukanwa otobuda ropa,” vanodaro.

Hembe dzinobviswa mwana uyu dzinonzi dzinozongowanikwa dzakaiswa mumba kana panze.

Simende inonzi inosimudzwa nemunhu asingaonekwe ichikandwa mumhepo.

“Mwana uyu akataura kuti chakati chiri kutorwa mukaenda munowana chichitotakurwa chiri mumhepo. Nezuro (Chipiri chadarika) akati bhutsu yadaddy yaenda tikaionawo ichimhanya yoga pachivanze, guruva richitombumuka,” vanodaro.

Dambudziko rekurumwa nekuswinywa ravawo pamumwe mwana ane gore nemwedzi minomwe yekuberekwa uyo anonzi anochema achiratkidza maronda ekurumwa.

Zino remwana mukuru ari kurumwa rinonzi rave kugarawo richizunguzika.

Zvinhu izvi zvinonzi zviri kutora muteuro uri kushandiswa nevemhuri iyi mukuedza kuzvipedza.

“Mvura nemiteuro yatiri kupihwa tinowana yabviswa mumabhodhoro, tozoona mamwe matombo manyoro atisingazive kwaanobva aiswa mumba,” vanodaro Mai Chigega.

Washington Chigega

Vanoenderera mberi vachiti, “Takaenda kune mumwe muporofita tikapihwa muteuro uyo takaisa muchigubhu wakasimudzwa kuenda mudenga uchibva wakandirwa kure chigubhu ndokuputika mvura ikarasika.”

Mai Chigega nemurume wavo vane vana vatatu vose.

“Hapana akaromba mumba medu, uku kuroyiwa. Hatizive kuti vanotivengera chii vanoita izvi. Muchangonzwa kuti tafuma mhuri yose takafa,” vanodaro Mai Chigega.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaKnowledge Chigega sezvo pakashanyirwa mhuri yavo vakawanikwa vaenda kubasa.

VaRisheni Chigega (36) vanove muramu waMai Chigega vanoti vari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa nekuda kwemasaramusi ari kuitika aya.

Kuchiti VaWashington Chigega (30) vanotsinhirawo nyaya yemashiripiti aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey