Vonangana huroyi, humbavha

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VARUME vaviri vaimboshanda vose vakazonetsana zvekusvika pakuendesana kudare redzimhosva vachipumhana huroyi pamwe nehumbavha.

Thulani Mazarura akamhan’arira Givemore Mutsigiri kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kutaura mashoko asina kufanira uye kumutyisidzira.

“Ari kufamba achitaura mashoko anorwadza pamusoro pangu achiti ndiri muroyi, ndakauraya mukadzi weshamwari yangu uye anokwanisa kundirova ndikafa. Saka ndava kutotya kana kufamba husiku nekuti anoziva nzira dzandinoshandisa zvose nekumba kwangu,” anodaro Mazarura. Anoenderera mberi achiti Mutsigiri ari kutadzisa vana vake kushanda basa ravo rekutengesa.

“Ari kutadzisa vana kutengesa nekuda kwehunhu hwake hwekutyisidzira nekuda kuvarova,” anodaro Mazarura. Mutsigiri anoti zvose zvinorehwa manyepo asi chiripo ndechekuti Mazarura ava neshanje nekuda kwekubudirira kwaari kuita mumabhindauko ake.

“Zvose zvaari kutaura manyepo, nyaya iripo ndeyekuti taitengesa mbudzi tose iye achibva andibira ndikashaya mari yekutenga dzimwe. Saka ndakazoshandazve ndikakwanisa kusimudzira pandainge ndambomirira. Izvi ndizvo zviri kumurwadza, aida kuti ndirambe ndisina mari,” anodaro.

Anoti kana zviri zvekuendesana kumapurisa iye ndiye aifanirwa kusungisa Mazarura nekuti akamubira.

“Ini ndini ndaifanirwa kumusungisa nekuti ndiye akatondibira, zviri kundishamisa kuti ndiye ada kuita zvekumatare,” anodaro Mutsigiri.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mazarura gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links