Uncategorized

Vonetserana matombo emuteuro

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Vonetserana matombo  emuteuro

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
HANZVADZISIKANA yakaendesa hanzvadzikomana kudare redzimhosva ichiti ari kumuonesa moto nekumutukirira zvinyadzi uye kumukandira matombo emuteuro mumba make achiti anenge achida kuti mweya yetsvina itize.

Judith Waini akamhan’arira David Waini kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Anouya kumba kwangu achindituka zvinyadzi uye akawana mwana wangu ariko kumba, anomutuka zvekuti ndinodzoka ndichiwana mwana achichema achiti atukirirwa nezvimwe zvisinei nezera rake,” anodaro.

Anoti David anomujairira nekuti anoziva kuti haana murume zvekusvika kuuya kumba kwake achikanda matombo emuteuro.

“Anoziva kuti handina murume, ndokusaka achindijarira kusvika pakuuya nematombo emuteuro achikanda mumba mangu achiti ari kuda kubvisa mweya yetsvina,” anodaro Judith.

Anoenderera mberi achiti vabereki vavo vakashaya nekudaro David ave kuzviona sababa.

“Vabereki vakashaya saka anoda kuzviita baba pakusvika pakundirova. Akambosungwa andirova akapihwa mutongo nedare wekuti aite community service saka ndava kutyira upenyu hwangu,” anodaro.

David anoudza dare kuti haana zvakawanda zvekutaura asi kuti hanzvadzi yake inoreva nhema.

“Handina zvakawanda zvekutaura nekuti Mwari ndiye anoziva kuti anondinyepera, ndizvo zviri kuita kuti ndisungwe ndichipikira mhaka dzandisingazive.

“Chiripo ndechekuti haawirirane nemukadzi wangu saka ini ndava kupinzwa munyaya dzavo,” anodaro David.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Judith gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links