Vonetserana ruzha rweredhiyo

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vonetserana ruzha rweredhiyo

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
VARUME vatatu avo vane mabhizimisi mumusha weMufakose, muHarare, vakamiswa mudare vachipomerwa kukonzera kusagadzikana munharaunda yavanoshandira kuburikidza nekuridza mhanzi yemaredhiyo mumabhawa avo zvine ruzha rwakanyanya.

Patrick Nanhende akamhan’arira varume vatatu vanova varidzi vemabhawa ekunharaunda kwaanogara vanoti Tineyi Taru, Farai Gwesere naErasmus Pahwaringira kudare reHarare Civil Court achida kuti vamiswe kuridza mimhanzi inonyaudza husiku, izvo ari kuti zviri kumutadzisa iye nevamwe vemunharaunda kurara zvakanaka.

“Changamire, ndauyawo pano nevarume ava, vanoridza mhanzi yavo husiku vachinditadzisa kurara. Mabhawa avo ari pedyo nedzimba dzevanhu.

“Takamboedza kutaura navo asi havasi kuterera uye vanodarikidza nguva dzavo kusvika kana masikati chaiwo vachiita ruzha. Ndatoshaya mufaro,” anodaro. Anoti ruzha rwunoitwa nemaredhiyo emabhawa aya rwunotozunguza mahwindo epamba pake.

“Ruzha rwacho rwunotozunguza mahwindo epamba pangu uye takatomboudza mapurisa vakapihwa yambiro asi hazvina kuchinja. Izvozvo zviri kukanganisa utano hwangu, ndave kuita kunge nhapwa uye izvi handisini ndega ndiri kusangana nazvo. “Fanike Erasmus Pahwangira, anotoburitsa maspeaker panze chaipo,” anodaro Manhende.

Zvisinei, varume vatatu vari kupomerwa kuita ruzha nemaredhiyo avo ava vanoramba kuti Manhende apihwe gwaro rerunyararo. Taru anoti Manhende anonyepa.

“Baba ava vanonyepa samare, ini bhawa rangu ndinovhura zuva rave kudoka. Saka zvekuti ndinorara ndichiita ruzha zviri kubvepi uye ndine mapepa akandipa mvumo yekuita izvi.

“Iye chete ndiye ari kunetswa nazvo asi hapana mumwe ati ambouya kwandiri nenyaya iyi,” anodaro Taru. Gwesere anotiwo haatombozivana naManhende.

“Ini baba ava handitombovazive. Ehe bhawa ndinaro uye ndine chitambi chacho, izvo zvekuti takapihwa yambiro nemapurisa kunyepa kwavo,” anodaro. Pahwaringira anoudza dare kuti vane mvumo yekushandira panzvimbo yavari nekuti pane zvitoro.

“Isu tine mvumo yekushandira ipapo pazvitoro zvekuMufakose, kana ndichiita ruzha vakadii kuuya kuzotaura kwandiri?” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati varume ava vadzoke mudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links