Vonetserana shuga, wigi

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Vonetserana shuga, wigi court

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MADZISAHWIRA vatosvorana mushure mekunge mumwe anyimwa chikwereti cheshuga mutuckshop, izvo zvamutsa bopoto ravasvitsa kumatare edzimhosva.

Gelly Mupamhanga akamhan’arira Thelma Katsande kuHarare Civil Court achiti ari kumunetsa achimutuka zvinyadzi nekuenda kubasa kwake achinotukawo mushandi wake.

“Ndashungurudzwa nemusikana uyu, anouya patuckshop pangu achitukirira mushandi wangu nekuti akaramba kumukweretesa shuga sezvo aiva nechimwe chikwereti.

‘‘Hatichatotambe tese nekuda kweizvozvo,” anodaro Mupamhanga.

Anoenderera mberi achiti pavainge vachiri kuwiririrana, Katsande akamupa wigi pachena yekuti apfeke musoro asi akazouya ava kuti ave kuida, akaitsvaga akaiwana.

“Tichiri kuwirirana, Thelma akandipa wigi yaiva yakatosakara achiti ndipfeke mumusoro. Zvino akazouya ave kuti ava kuida ndikati rega ndimupe, asi akati haachaida nekuti ndaisakadza,” anodaro Mupamhanga.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakanotenga wivhi imwe chete ndikamupa akairamba achiti haachaide asi ave kuda mari ini ndikati mari handina, ndinokupa wigi.”

Anoti Katsande akazoenda kutuckshop kwake achida kukwereta shuga asi akanyimwa nemushandi wake nekuti aiva nechimwe chikwereti ndokubva atanga kutuka mushandi uyu nezvinyadzi.

“Akazouya ava kuda kukwereta kutuckshop kwangu akanyimwa nekuti aiva nechikwereti chimwe.

‘‘Asi akatanga kumutuka zvinyadzi uye anoti akasangana neni kana nemushandi uyu anotituka,” anodaro Mupamhanga.

Katsande anoramba zvose zvaari kupomerwa achiti ndiye akatorohwa nevakoma vaMupamhanga apo aida mari yewigi yake.

“Zvose zvaari kutaura manyepo, iye nevakoma vake vatatu ndivo vakatondirova nekuti ndakanga ndauya kuzobvunza mari yewigi yangu apo ndakamuti pawigi yangu ngaandipe mawivhi maviri, iye akatenga imwe chete yandakaramba.

“Akazoudza vakoma vake vakandirova vachibva vamhanya kumapurisa kuti zviite sekunge ndini ndavarova,” anodaro Katsande.

Anoti iye anotodawo gwaro rerunyararo nekuti ave kutya kurohwa naMupamhanga.

Mutongi akapa vaviri ava gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links