Vopunduka nemabhindauko

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Vopunduka nemabhindauko Mai Ellen Vhengere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NHENGO dzesangano rePadare/Enkundleni/Men’s Forum on Gender idzo dzinosanganisira varume vari kurarama neutachiona hweHIV nevasiri voita mabhindauko ekurima miriwo yakasiyana senzira yekusimudzira utano hwavo pamwe nekuraramisa mhuri kuKariba.

VaPhinias Junyungu (50) vanova sachigaro weboka iri kuKariba vanoti vari kurima miriwo yakadai semuboora, vhisikosi, kovo, spinash, rape, makabheji uyewo nenyemba, bhinzi nechibage vachitengesa vachiwana kuraramisa mhuri.

“Ini ndinorarama neutachiona hweHIV zvisinei nekuti vashomanana vari muboka medu ndovasiri. Donzvo redu nderekusimudzira nyaya dzekudya kunovaka muviri kuvanhu vanorarama neutachiona uhwu nekuti tikatarisa mapiritsi emaAnti-Retroviral Drugs ayo tinotora anoda kudya kwakakwana nemimwe michero kuti tigare takagwinya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nzvimbo yatiri kurimira ino ine hekita rimwe chete uye takaipihwa pachena nekanzuru yemuno kuti tinge tichibatsirika muupenyu hwedu sevanhu vanorarama neutachiona hweHIV. Imwe ndima takaipawo kune vanochengetedza vasungwa kumajeri kuti vange vachirima chikafu chinobatsira vari mumajeri.

“Tinoshanda zvakare nenherera 14 muminda yedu idzo dziri kubatsirikana zvikuru nemari dzekuenda kuchikoro uye miriwo yekudya kumba,” vanodaro.

VaPhinias Junyungu vachitaridza muriwo wavanorima neboka ravo kuKariba

VaJunyungu vanoti sangano reTony Waite Organisation ndiro rakabavatsira nefenzi yemagetsi (electric fence) kuitira kuti zvirimwa zvavo zvisaparadzwe nemhuka dzinorura munharaunda iyi dzakadai semvuu nemakudo.

“Tinotenda zvikuru sangano iri nekutibatsira nefenzi nekuti takanga tava kungofira mafufu segonzo sekuona kwamunoita kuti munda wedu uri pedyo nerwizi rweKariba munova matiri kuwana mvura yemadiridziro asi mune mvuu dzaiuya dzichiparadza zvirimwa zvedu uye makudo netsoko zvakazara mumasango akatikomberedza aya,” vanodaro.

Vanoti dambudziko rezvirwere uye twumbuyu twakadai sered spider mite, fall army worm uye maaphids ndizvo zvimwe zviri kudzorera bhizimusi ravo kumashure apo vanodhurirwa nemishonga kuti vange vachizvirwisa.

Mai Ellen Vhengere vanova executive director wesangano reTony Waite Organisation vanoti vanofara zvikuru kushanda nenhengo dzePadare senzira yekusimudzira varume vakawanda kuti vange vachitora danho rekurwisa HIV.

“Kuburikidza nekurima uku, tiri kuona shanduko huru muupenyu hwenherera nevanorarama neutachiona hweHIV sezvo vasingachagari vachirwara-rwara. Chikafu chine utano chinobatsira mukurwisa zvimwe zvirwere izvo zvinongouya, zvikuru sei kana apo masoja emuviri anenge akaderera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>