Vopunduka nemadiridziro

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vopunduka nemadiridziro

Kwayedza

VARIMI veminda yemadiridziro yeDevure Irrigation Scheme kudunhu raMambo Chamutsa, kuBirchenough vowana nduramo kubva mubasa rekurima mbesa dzakasiyana vachinotengesa kumisika yakasiyana yemunyika muno.

Mumwe wevarimi ava, VaPeter Chauke (49) vemumusha waSabhuku Makazwei, vanoti kuburikidza neminda yavo yakatandavara yeka pamurimi woga-woga vari kurima vachitengesa zvirimwa zvinovararamisa nemhuri dzavo.

“Hatishore zvatinowana mukurima kwedu sezvo tichirima zvinosanganisira matomatisi, bhinzi nemuriwo wemhando dzose, chibage, carrots  nezvimwe zvakasiyana. Tinorima nguva yegore rose zvinoita kuti tigare tiine mari nguva dzose,” vanodaro.

Zvirimwa zvavo, vanodaro VaChauke, vanozvitengesa kumisika yekumadhorobha nemaguta anoti Masvingo, Zvishavane, Gutu, Bulawayo neHarare.

“Tinoenda kumadhorobha nemaguta aya kwete nekuda sezvo tinofanirwa kunge tichinotengesa kunzvimbo dzakaita seMutare, Checheche, Chiredzi neChipinge kunova padyo nesu asi nekuda kwekuti zambuko reBirchenough rinova waybridge rinobhadharwa pakuyambuka nezvirimwa zvedu saka zvinotiomera. Fungai kuti pabhokisi rimwe chete rematomasi unobvisa $0,50c zvoreva kuti pamabhokisi 40 andinowanzoenda nawo nguva imwe chete panodiwa $20 saka hapana zvaunenge uchiita nekuti kumisika kwacho bhokisi rinobhadharawo $1,” vanodaro.

VaChauke vanoti zvisinei zvazvo nematambudziko avakatarisana nawo aya vari kukwanisa kurarama vachiendesa vana kuzvikoro nekuwanawo zvimwe zvavanoda muupenyu.

Mhuka dzesango dzinobvawo kumasango anochengetwa mhuka eDevuli Ranch dzinonzi dziri kuparadza zvirimwa kuminda yemadiridziro aya.

“Tine dambudziko ratinetsawo remhuka dzinopoya kubva kuDevuli Ranch dzichipinda muminda yedu dzinodyawo zvirimwa zvedu idzo dzinosanganisira nyathi, nzou nenguruve. Kunze kwekuparadza zvirimwa, mhuka idzi injodzi kuvarimi zvekuti kumapeto kweminda yedu vamwe varimi vanototya kunorima nekuita mabasa emuminda,” vanodaro.

Zvakadai, mukushi wemashoko kubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farao, vanoti vashandi vavo vachaita ongororo yemhuka dzinonzi dziri kuparadza zvirimwa zvevarimi ava pamwe nekugadzirisa dambudziko iri.

Varimi ava vanowana mvura yekudiridzira muminda yavo kubva murwizi rwaDevure iyo inofamba yoga nemumigero yemuminda iyi.

“Hatina mahinjini atinoshandisa mvura iyi inofamba yoga, inobva makiromita gumi kurwizi kusvika kuno pasina magetsi. Chedu kubhadhara mvura kuZinwa  chete,” vanodaro VaChauke.

Sachigaro weminda yemadiridziro iyi ndavaVaSpeiye Rugaro avo vasina kukwaniswa kuonekwa neKwayedza pakashanyirwa dunhu iri svondo rapera .

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey