Vopura mari nehuchi

14 Dec, 2017 - 11:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
BHIZINESI rekuchengeta nyuchi rakaonekwa rakakosha zvikuru mukuwanisa nyika uchi uhwo hunounza mari yekunze zvichibatsira mukusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Kwayedza nguva yadarika yakaita hurukuro nevamwe varimi vanopfuya nyuchi avo vanoti bhizinesi ravo riri kubudirira zvikuru.

Nyavane Ndlovu (52) wekuLupane ndemumwe wevari mubhizinesi iri uye ari kukwanisa kuwana mari yekuriritira mhuri yake.

Ndlovu ane vana vatanhatu, akadzidzira basa rekudzimura moto asi nhasi uno ave kurarama nekukohwa uchi kubva mumikoko yake inosvika 132 achitengesa.

“Vanhu vari munharaunda mandinogara vanototyirawo upenyu hwavo nekuda kwekutya kurumwa nenyuchi asi ini ndinoona riri bhizinesi guru rinoraramisa mhuri yangu,” anodaro Ndhlovu.

Anoti mushure mekukundikana kuwana goho rakanaka rezvirimwa zvakadai sechibage, nzungu, nyimo nezvimwe zvichitevera kusanaya kwakanaka kwemvura, akafunga zvekutanga bhindauko iri.

“Ndinofamba nzvimbo dzakawanda dzinosanganisira Bulawayo, Harare nekupinda mumisangano yakadai seHarare Agricultural Show ndichitengesa huchi hwangu uye kudzidza kune vamwe vari mubhizinesi rimwe chete iri. Bhizinesi rekuchengeta huchi riri kusandura upenyu hwangu asi nekuda kwekuti nzvimbo yandinoitira inowanzoita dambudziko rekushaya mvura, kwemakore mazhinji tinonetseka kuwana mari,” anodaro.

Ndhlovu anoti mudzimai wake anomubatsira mukusimudzira bhizinesi ravo.

Ndhlovu handiye ega murimi wenyuchi munzvimbo iyi sezvo vamwe vakayemura basa rake vakasarudza kutevedzawo matsimba ake.

“Ndinotenda sangano reEuropean Union (EU) nekutsigira mabhindauko aya anova akavambwa neveFood Agriculture Organisation (FAO) nevamwe vatsigiri. Mhuri dzakawanda muLupane dziri kubatsirikana zvikuru. Tinoda kuti tisangova varimi vehuchi hwekutengesa mumisika midiki asi kuti tinoda kupinda mumisika mikuru tichitevedza mitemo ine chekuita nenyaya dzekutengeserana,” anodaro Ndhlovu.

Mabhindauko aya anodaidzwa kunzi Forest Forces uye akavambwa muna 2013 aine chinangwa chekusimudzira nyaya dzekurima nekuchengetedzwa kwakanaka kwemasango.

Anobatsira zvakare mukusimudzira kuwaniswa kwemiti yemapuranga anoshandiswa mukuvakisa mikoko uye mukuchengetedzwa kwemiti yemichero yakadai seMarula, Mangetti neMiuyu.

Mumwe murimi wenyuchi, Sibongile Mpofu, anoti mhuri yake iri kubatsirika zvikuru nebhindauko iri.

“Ndiri kukwanisa kuendesa vana vangu kuchikoro uye vamwe varimi vandinoziva vari kutoendesa vana vavo kuzvikoro zvebhodhingi uko vari kuwana dzidzo yemhando yepamusoro.

“Bhizinesi rekuchengeta nyuchi nekumora uchi harinyanyi kunetsa pane kurima zvimwe zvirimwa. Chako kugadzira mikoko womirira kuuya kwenyuchi kuti dzikugadzirire uchi,” anodaro.

Varimi ava vanoti vari mushishi kugadzirira dopiro rekuratidzira mabasa avo reAgricultural Fair iro richaitwa munguva pfupi inotevera mudunhu reMatabeleland North.

Share This:

Sponsored Links