Vopura mari nehuku, mbudzi

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vopura mari nehuku, mbudzi VaKarikoga vaine mamwe emadzimai avari kubatsira mumabhindauko akasiyana

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vekudunhu reMapfungautsi, kuGokwe vobatsirikana zvikuru kuburikidza nezvirongwa zvekupfuya mbudzi nehuku izvo zviri kutsigirwa nemumwe muzvinhabhizimisi anove chizvarwa cheko.

Pamusoro pazvo, muzvinhabhizimisi uyu ari kutsigirawo chirongwa chekupfuya mombe varimi vachitengesa.

Sadunhu Chisina, VaAlfias Gumberu, vanotungamirira nzvimbo yeMapfungautsi vanoti zvirongwa izvi zviri kutaridza zvibereko uye  zvinotsigirwa naVaTawanda Karikoga (43) vanova chizvarwa chemudunhu reGokwe.

Sadunhu Chisina

“Tinotarisira kuti muno mudunhu reMapfungautsi patichapedza makore mashanu tichange tava neupenyu hwakasiyana zvikuru nezvatiri nhasi kuburikidza nebasa guru ratiri kuitirwa naVaTawanda Karikoga. Takataura nezvemakiriniki matsva atiri kuvakirwa nematsaru ari kuvandudzwa naye mwana uyu nezvimwe zvakawanda zvatingapedze zuva tichitaura. Tine zvikwata zvevarimi vechidzimai nevarume uyewo vechidiki vakomana nevasikana vakapihwa mbudzi nehuku dzemazai nedzenyama. Izvozvi pane chirongwa chekutenga mombe varimi vachitengesa icho chakatovambwa kare,” vanodaro.

Sadunhu Chisina vanoti zvirongwa izvi zviri kuitwa  mumisha yemasabhuku anodarika zana.

“Tine huku 10 000 nembudzi 1 000 idzo dzakatopihwa kare kumishandirapamwe  yakasiyana yakaumbwa nevarimi tichivabatsira, vaisarudza voga vatungamiri vezvikwata izvi. Huku nembudzi zvakapihwa mishandirapamwe iyi dzinosiyana huwandu hwadzo nzvimbo nenzvimbo uyewo nekuwanda kwenhengo dzemishandirapamwe iyi,” vanodaro Sadunhu Chisina.

Zvakadai, vanoyambira vanhu vari mumishandirapamwe iyi kuti vasaite mweya weruchiva vasazoguma vave kubirana zvipfuyo izvi kana kutengesa vamwe vasingazive.

VaVusa Manjonjo

VaKarikoga vanoti havasi kuzodzokera kumashure nekusimudzira vanhu vemudunhu ravo.

“Upenyu ndiho hwatinoda, ndinoda kuenderera mberi nekubatsira vanhu vekwangu vedunhu reGokwe, zvikuru kuno kuMapfungautsi. Mwari vakaita kuti uwane hakusi kungwara kwako, ndinoda kusiyawo nhorowondo yangu muno mudunhu rangu rerukuvhute panyaya dzebudiriro,” vanodaro.

VaVusa Manjonjo (26) vanova maneja anobatsirana naVaKarikoga mumabasa ebudiriro mudunhu reGokwe, vanoti chirongwa chekutenga mombe varimi vachitengesa chakatotanga kare.

VaKarikoga vaine mamwe emadzimai avari kubatsira mumabhindauko akasiyana

“Tine zvirongwa zvatekeshera dunhu rose reMapfungautsi, tine misha yatakapa huku kumishandirapamwe yemadzimai. Semuenzaniso,   kuChevecheve tine zvikwata 25 zvevarimi, kuGwenya tine mishandirapamwe 20, kuGwanika tine 20 zvakare pamwe nekuMarungu uko tine 20. KuChitapo tine misha yemasabhuku 13, hakuna kwatisina kupa huku nembudzi apo takapa varimi ava nekudya kwadzo kwekutanga,” vanodaro.

Vanoti pachirongwa chekupfuya mombe, vakatopa varimi mari yekuenda vachinotenga mombe dzacho vachitengesa.

“Varimi ava vachatengesa dzingava mbudzi kana kuuraya vachitengesa nyama uyewo huku dzacho nemazai, voisa mari muhomwe uyewo  vachizovamba mamwe mabhizimisi makuru nekuzopota vachigovana mari kana yawanda,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links