Uncategorized

Vorwira manhanga pa‘town’

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Vorwira manhanga pa‘town’

Kwayedza

Janet Chari
NYAYA yekubika manhanga ayo anonzi akange atumirwa naamai kubva kumusha yakamutsa bopoto guru pakati pehanzvadzikomana nehanzvadzisikana, vaviri ava ndokutosvitsana kudare redzimhosva.

Memory Masoswa akamhan’arira Simbarashe Masoswa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumudzvanyirira nekuda kwekuti aiva akamboroorwa ndokuzorambwa.

“Anondiudza mashoko anorwadza pamusoro peupenyu hwangu apa ndiri kuenda kuchikoro zvinova zvinondishungurudza zvekuti ndinotadza kana kuverenga,” anodaro Memory. Anoenderera mberi achiti Simbarashe anomutuka nekumurova achimupomera kuti ari kufurira mukadzi wake kuti amurambe.

“Haadi kundiona pamba kana kuti nditaure nemukadzi wake, apa tiri kugara pamba pamwe chete,” anodaro Memory.

Simbarashe anoudza dare kuti haarove kana kushungurudza hanzvadzi yake uye ndiye akatomutora kuti agare naye pamba achienderera mberi nechikoro mushure mekurambwa nemurume wake.

“Anonyepa uyu, handingatore munhu kuti ndimushungurudze nokuti pamba patiri kugara ndepangu kwete pevabereki. Saka kana dai ndanga ndisingadi kugara naye ndakaregedza kumutora,” anodaro.

Simbarashe anoenderera mberi: “Nyaya iripo ndeyekuti amai vakatumira manhanga kubva kumusha iye ndikamuti abike asi akaramba kusvika kwapera mavhiki maviri.

“Pakazodzokawo mukadzi wangu, akasvika ndokubika manhanga aya ndokubva taadya. Uyu ndipo paakati kuti zvazoitirwei izvozvo, achibva apopota zvekuti raini rese rikamira kuterera.”

Anoti havana rimwe zuva ravakambonetsana kusara kwenyaya yemanhanga iyi chete. “Izuva rimwe chete ratakanetsana nekuda kwemanhanga asi vanamukoma vakatotigadzirisa ndikatoti zvapera zvokuti handizivi kuti kuno anga achauya kuzodiizve,” anodaro Simbarashe.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Memory gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links