Vorwira muganhu wemunda

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
BOPOTO remuganhu wemunda pakati pevavakidzani rakazoperera kudare apo mumwe akange atemerwa mwana wake nematombo zvikaita kuti akuvare.
Charles Joni akamhan’arira Musekiwa Chiromba kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza pamwe nekumutukirira.

“Ndaoneswawo nhamo nababa ava, vanonditukirira zvekuti handichina chiremerera muraini randinogara. Pese patinosangana vanondishungurudza, imwe nguva vakandituka padare remumusha paiva pakazara vavakidzani zvekuti ndava munhu anosekwa mudunhu medu nekuda kwekuita kwavo.

“Pane nyaya yemuganhu wemunda yatisiri kuwirirana, ivo vanoti munda wavo asi ini ndakapihwa munda iwoyo nasabhuku wedu asati ashaika,” akadaro Joni.

“Ndakamboedza kutaura nevakuru vemusha kuti tiyananiswe asi ivo havana kuda kutambira mazano atakapihwa. Imwe nguva vakakanda matombo pamba pangu vakapwanya mahwindo zvakare vakatema mwana wangu musoro akatonorapwa kuchipatara.

“Ndakamboedza kuvasungisa nekuda kwemabasa avo asi hazvina kubatsira. Dai dare randibatsira negwaro redziviriro kuti ndikwanisewo kurima ndakasununguka.”

Chiromba akaramba kuti anotuka kana kushungurudza Joni achiti nyaya huru yaive yemuganhu wemunda.

“Mwana uyu anondinyepera, handimutuke kana kumushungurudza asi kuti iye ari kuda kupamba munda wangu. Ini ndakaberekwa munzvimbo iyi kubva 1947 kusvika nhasi ndinogara pazvimbo iyi. Zvino mwana wanhasi uyu ndipo paanouya achiti munda wake, hakuna zvakadaro.

“Rukuvhute rwangu chairwo rwuri pazvimbo iyi hakuna paangati chidimbu chemunda wangu ndechake. Makaro chete haagutsikane nepaakapihwa” akadaro Chiromba.

“Iye anoti akapihwa munda nasabhuku asi haana kana vanopupura kuti akapihwa nechidimbu chemunda wangu sezvo sabhuku vakashaika kare. Mwana uyu anonyepa, anoda kundipamba munda wangu chete. Munda uyu ndakausiirwa nemadzitateguru angu makare-kare iye asati aberekwa,” akadaro Chiromba.

Mutongi Tatenda Manhanzva akarasa chikumbiro chaJoni chegwaro redziviriro achiti nyaya huru ndeyemunda nekudaro ngaaende kwashe vekudunhu kwavo vanoyananiswa.

 

Share This:

Sponsored Links