Vorwira musha

11 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Vorwira musha

Kwayedza

CHIREVO chinoti, “Sakunatsa ndiye sakubaiwa” chakazadziswa apo mumwe mukadzi akachema-chema mudare achiti ava kudzingwa pamusha waaichengetedza nemuridzi wawo mushure mekuuvakisa. Spiwe Midzi akaenda kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro apo aiiti ari kushungurudzwa naModeline Mpofu, uyo waari kuchengetera pamba pake.

“Ndiri kushaiswa rugare naamai ava vachindituka zvese zvavanoda apa ndakavachengetera pamba pavo kwenguva yakareba chaizvo. Kugara kwese kwandakaita pamba pavo havazvioni, chavo kundituka,” akadaro Midzi.

Midzi akati ndiye ari kuvakisa musha asi pari zvino ava kudzingwa pamba apa achipomerwa mhosva dzaasingazive.
“Kumba kwake akandisiya pari pasango pasingatombogariki achida zvekugara mutaundi.

“Izvozvi pava kuonekera nekuti ndaimira-mira ndichipavakisa ndichitsvaga zvinhu zvekuvakisa zvakasimba iye achingofona ari kuHarare achiti zvava papi ndichimuudza. Nhasi ava kundidzinganisa sembwa chaiyo.

“Ava kunditi pfambi achiti ndava kuunza zvikomba pamba pake zvaasina kumbobvira aona. Anoda kungotsvaga nzira dzekundidzinga pamba pake nekunditsvagira tumhosva twandisina. Pamwe pacho aimbondinyepera kuti ndakadya mari yekuvakisa imba yake asi hapana mari yandakadya,” akadaro Midzi.

Mpofu akati haachada Midzi pamba pake.
“Mukadzi uyu ndakamutora kubva mumarara chaimo. Hama dzake dzakamuramba nenyaya yake yekusanzwa, inini ndini hama yake yoga yakamubvuma.

“Ndakamutora paakabva kujeri apara mhosva dzake, ndini ndakatomubhadharira mari yekuti abude kujeri.
“Handichadi kugara naye, pandakamuchengeta pakakwana. Pamba paari kugara ndepangu saka iye haana simba rekuramba aripo. Nguva yandakagara naye yakatokwana.

“Zvekuti ndinomutuka kwangova kuda kundipfidzisa.
“Zvevarume ndakatonzwa nevavakidzani kuti ari kupota achivaunza muimba yangu zvinova zvinhu zvandisingadi pamba pangu,” akadaro.
Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>