Vorwira nhaka yevabereki vakafa

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHIREVO chinoti, “Pfuma yenhaka inoparadzanisa hukama” chakazadziswa zvichitevera nyaya yemukoma nemunin’na avo vanogara vakabatana huruweki vachirwrira mabhizimisi evabereki vavo izvo zvakazoita kuti vatsvage kuyananiswa kumatare.

Charles Mushore akazvuvira munin’ina wake, Robson Mushore, kuHarare Civil Court achiti ari kumubatirira pakugovana nhaka yevabereki vavo.

“Changamire, pakafa vabereki vedu takagovana mabhawa rake rake nekuti aiva maviri asi bhucha ndiro ratakabvumirana kuti mari yacho ishande basa rose rinenge richida kuitwa sekuisisa magetsi pamba asi iye ari kutora mari iyoyo achidya,” akadaro Charles.

“Mari yerendi inobhadharwa ari kuidya ega futi zvekuti tiri kutotadza kuvakisa guva raamai nenyaya yekuti ari kuita hudyire nemari asi ane bhawa rake.

“Imwe nyaya ndeyekuti pamabhawa maviri atakagoverana akandisiira chikwereti che$14 000 yemagetsi ataifanira kubatsirana ndokubva aisisa mita yake ega ye‘pre-paid’, iye zvino ava kuramba kundipa chikamu chake chaaifanira kubhadhara.”

Uyuwo Robson akati haana chaaigona kudaira panyaya iyi achiti chikumbiro chakaitwa nemukoma wake kudare hachisiricho.

“Zvaataura nechikumbiro chaari kuda zviri kupesana. Handizivi kuti ari kuda kudzivirirwa kubva pane zvipi, handimurove, handimutuke. Ngaaite chikumbiro chaicho,” akadaro Robson.

Mutongi Barbra Masinire akati vaviri ava vazodzoke kudare zvakare apo achapa mutongo wake.

Share This:

Sponsored Links