Vorwira pfuma yenhaka

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Vorwira pfuma yenhaka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yekurwira pfuma yenhaka yakazoperera kudare reChitungwiza Magistrates Courts uko imwe shirikadzi yaipomerwa kuba nekutengesa mombe yainzi yainge yatengwa nevemhuri yemurume wayo yakawanikwa isina mhosva.

Mutongi wedare iri, Blessing Murwisi, akarasa nyaya iyi mushure mekuona kuti shirikadzi ine makore 60 ekuberekwa iyi, iyo yainge yazvuzvurudzirwa kudare iri, haina mhosva.

Muchuchisi Tsungai Chitapa akaudza dare kuti mumhan’ari, Lawrence Mahlunge (66) wemubhuku raMakawu, kwaSeke, akasungisa mudzimai wemukomana wake, Spihwe Mhlunge, achimupomera mhosva yekutengesa tsiru remombe achiti yakatengwa nevemhuri yake vachiita mushandirapamwe mushure mekufa kwemukoma wake Norbos Mhlunge.

“Isu takaita mubatanidzwa semhuri tikaunganidza US$750 yatakapa ave mufi kuti atenge mombe yemhuri uye takazviita mudzimai wacho achiona. Saka akapara mhosva pakutengesa kwaakaita mombe yemhuri isu tisingazive,” anodaro Lawrence.

Zvisinei, Spihwe anovhika mhosva iyi ndokuudza dare kuti, “Mombe yaari kureva yakafa muna2008 saka yaave kutaura mudare rino ndeyangu. Panguva iyo murume wangu akange achiri mupenyu, ndakamupa mari kuti anditengere mombe asi handina kukwanisa kuiendesa kumusha kwandakaberekwa ndichibva ndaiisa mudanga remhuri yandakaroorwa.

“Saka pandakaitengesa ndipo pandakashamisika kuona ndava kusungiswa asi chokwadi ndechekuti mombe yandakatengesa yaive yangu,” anodaro.

Norbos akashaya muna2016, midziyo yese ichibva yasiiwa iri mumaoko memudzimai wake uye mombe iyi akaitengesa muna2017.

Spihwe anoti akatengesa mombe yake ne$250.

Dare rakaona zvakare kuti mombe iri kutaurwa iyi yainge yakanyoreswa mubhuku remufi nokudaro mudzimai wake aive nekodzero yekudya nhaka yemurume wake pasina anomudzvanyirira sezvo yakange yakasiirwa iye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey