Uncategorized

‘Vose vakatsakatika muNyanga vapenyu’

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Vose vakatsakatika muNyanga vapenyu’

Kwayedza

— ‘Vagere nenjuzu’

— ‘Itai bira vadzoke’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI anova n’anga uye svikiro rekuNyanga asi achigara muHarare anoti vanhu vose vakatsakatika mugomo reNyanga, kuManicaland, vapenyu.

Anoti chinongodiwa bedzi kuita bira nekuchenurwa kwemakomo aya kuti vanhu ivava vadzoswe nenjuzu dzaanoti ndidzo dzakavatora.

Mbuya Shumba, zita rekuberekwa vachinzi Alice Masoko (61) – avo vari kugara mumusha weLochnivar – vanoti mashiripiti anoita kuti vanhu vatsakatike mumakomo eNyanga haambofe akapera kusvikira kwaitwa bira rekuchenura nzvimbo iyi.

Mbuya Shumba mudzimai wemushakabvu Sekuru Nhando, avo vanonzi vaiva mambo uyewo svikiro mudunhu iri.

“Pane zvinhu zvingangoita zviviri kana zvitatu zvinoda kugadziriswa nesu vakuru vedunhu reNyanga izvo zvinosanganisira kuitwa kwebira ranaSimboti — vanova varidzi veNyanga. Mushure mezvo, kwoitwa bira renyika rekuchenura vaiva varwi vehondo yeChimurenga avo vakafira munzvimbo iyi, nemunyika yose, kuMozambique nedzimwe nyika zvichiitirwa makare muNyanga.

Mbuya Shumba

“Kozotiwo hushe hwekwaSanyanga hobva hwagadzwa. Zvikadaro, shungu dzenjuzu nemhondoro dzemugomo reNyanga — iro raizivikanwa kare nekuti Ndume — dzinoserera zvinhu zvofamba zvakanaka,” vanodaro.

Mbuya Shumba vanoenderera mberi: “Tine vanhu vanokwana potse vashanu kana kuti vatanhatu avo vakangonyangarika mugomo reNyanga. Mukati mavo mune vaRungu nevatema, kusanganisira vana vechikoro. Izvozvi vakura, iye muRungu akashaikwa makore mashoma akadarika uyu mupenyu nevamwe. Vagere nenjuzu kumakomo aya.”

Vanoti kana vanhu vakafa kana kudyiwa nezvikara zvesango, mitumbi yavo inoonekwa pavanenge vafira zvichireva kuti avo vanonyangarika mugomo iri vanenge vatorwa nevaridzi vesango, vonochengetwa kuratidza kutsamwa kwemidzimu.

Mugore ra1981, mugomo iri makashaikwa vana vaviri vevaimbova gurukota rezvemari, Dr Tichaendepi Masaya.

“Vana ava havana kuzoonekwa zvachose kubva gore iri kunyangwe kwakasimuka zvikopokopo zvikatsvaga kwenguva inodarika svondo. Vana ava havana kuonekwa kunyangwe mitumbi yavo ndokunge tikati vakafa,” vanodaro Mbuya Shumba.

Mumakomo eNyanga makazoshaikwawo Zayd Dada (30) mugore ra2014.

Mbuya Shumba vanoti gore rapera vanhu veko vakamboungana mugomo iri vakaita bira, apo vanoti Zayd vakamuona aine vhudzi nendebvu refu akaiswa pakati nemazirume maviri aiva akapakata miseve neuta nenhovo uye vakapfeka nhembe.

“Kwakaridzwa mbira midzimu ikabuda. MuRungu uyu akabuda akachengetedzwa nemachembere maviri vakamuisa pakati. Iye aiva nembatya dzake, machembere aya akapfeka nhembe.”

Vanoti izvi zvakaitika apo ivo nemamwe masvikiro nen’anga vakakumbira kuti vambomuona nevamwe vakanyangarika kare asi kukabuda iye chete.

GOMO RE NYANGA

“Varume ava vakamuratidza kuvanhu ndokudzokera naye, hapana akataura nesu, vakadzika naye negomo,” vanodaro Mbuya Shumba.

Vanotizve vanhu vakanyangarika ava vanogara mumisha ine njuzu – yakatovakwa, iine zvipfuyo.

“Chokwadi vanhu ngatitevedzei zviri kudiwa, vanhu ava havana kufa anenge aurayiwa nenjuzu anoburitswa kunze oonekwa nevanhu. Ava vakavigwa nekuti vapenyu kuratidza simba remidzimu.”

Mbuya Shumba vanoti vamwe vevanhu vakatsakatika mugomo iri vakatoroorwa zvekuti vatove nemhuri dzavo.

Sahwira kuvanhu veSimboti vekuNyanga, VaWiseman Mushore Kawanzaruwa (35), vanoti vari kufambira basa rekuti munzvimbo iyi muitwe bira munguva pfupi iri kutevera.

“Sasahwira ndakanzi ndibatsire mukufambiswa kwebasa iri. Ichokwadi kuti vanhu vari kushaikwa ava vanonzi vapenyu, kusanganisira iye Zayd Dada. Hurongwa hwebira iri huri kutungamirirwa nemudzimu waSekuru Mufambenhando na- Mbuya Shumba nevamwe vanoti Jephrey Gumiro naJeremiah Mareya,” vanodaro VaMushore.

Mbuya Shumba vanowedzera vachiti pane chivanhu chakaitwa pakashaikwa Dada sezvo pakazouraiwa huku – izvo zvavanoti zvaisafanirwa kudaro.

“Hongu, panoshaikwa vanhu mugomo iri panoitwa chivanhu asi zviri kuitwa nenzira dzisidzo. Hapafanirwe kuuraiwa huku, panongoda mombe nhema nembudzi mbiri nhema uye bira roitwa paine masvikiro nen’anga dzemuno ne- dzekunze kwenyika, zvikuru vekuMozambique avo vane chekuita nenzvimbo yeNyanga.

“Pakaitwa bira randinoreva iri, kwakaitika chiratidzo apo mvura yemurwizi Nyamaropa yakatsvuka kuita ropa, kwaiva kuchema ropa ikoko.”

Vanoti chiratidzo chekutsvuka kwerwizi neropa ichi zvinoreva kutsamwa kwevadzimu.

“Tine njuzu dzechirume nedzechikadzi dzinowanikwa mugomo reNdume kana kuti Nyanga sekutumidzwa kwakaitwa nevachena, dzinoti Chirikuutsi (hadzi), Pungwe (rume), Matambura (rume) neManhando (hadzi). Ini saMbuya Shumba ndinoda kuti kunyangwe vakuru veHurumende kana mapurisa chaiwo nehama dzaZayd nevamwe vane hama dzakashaikwa mugomo iri vauye titaure nyaya iyi kuti vanhu vakanyangarika ava vabude,” vanodaro.

Gomo reNyanga ndiro rakareba kudarika mamwe ose muZimbabwe richisvika mamita 2 592.

Mashoko anowanikwa padandemutande anoti munhu anotora nguva inoita maawa maviri kurikwira kusvika panhongonya yaro.

◆ Kune vanoda kutaura naMbuya Shumba nekuda kwenyaya iyi vanogona kuvaridzira nhare panhamba dzinoti 0772 369 388.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey