Voshanda nevechidiki kurwisa hiv

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reMedicines San Frontiers (MSF) riri kushanda nebazi rezveutano rekanzuru yeHarare (City Health Department) mukusimudzira utano hwevechidiki vanorarama neutachiona hweHIV.

Vamwe vechidiki vari kubatsirwa neMSF ndevemuMbare, muHarare, apo sangano iri riri kushandira paEdith Opperman Clinic.

VaCosmas Kagodora, avo vanova mupangi wemazano kuMSF uye vachishandira paEdith Opperman Clinic, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira utano hwevechidiki vanorarama neHIV.

“Hazvisi nyore kuva munhu wechidiki anorarama neutachiona hweHIV nekuti unenge wakakomberedzwa nematambudziko gumi nefararira, zvikuru nyaya dzerusarura. Vanhu vanosara vaine mibvunzo yekuti utachiona wakahuwana nenzira ipi apo vanenge vachitarisa zera rako,” vanodaro.

Vanoti sangano reMSF parakatanga chirongwa chekurwisa HIV paEdith Opperman Clinic muna Ndira 2016, rakaona kuti chikamu chinodarika 44% chevechidiki vari muMbare vakanga vasiri kutora mishonga yavo nemazvo.

“Vechidiki vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vange vachitora mishonga yavo yemaARV pamwe nekuyeuchidzwa nekuti vanokanganwa. Rimwe dambudziko guru nderekuti vechidiki vazhinji vane utachiona hweHIV vanogona kutadza kuzvitambira vogumisira vave kuedza kuzvitandadza nekutora zvinodhaka vachifunga kuti ndizvo zvinoita kuti vakanganwe dambudziko ravanenge vainaro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti kazhinji kacho mishonga iyi inenge ichifanira kutorwa pakati penguva dza7-8pm inova nguva yavanenge vakakorwa nezvinodhaka zvinova zvinokanganisa kushanda kwayo mumiviri yavo.

VaKagodora vanokurudzira vanhu vari pamishonga yemaARV kuti vatakure mishonga iyi pose pavanofamba kuitira kuti vasazokundikana kuitora nenguva.

“Kana vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vakanyara kuonekwa vachinwa mishonga, zvinoita kuti vapedzisire vasisatore mishonga iyi vorwara. Sangano reMSF riri kushanda nevechidiki uye vabatsiri vevarwere mudzimba kuti vange vachibvisa kutya uku mavari,” vanodaro.

Vanoti vabereki vazhinji vane vana vanorarama neutachiona hweHIV vanoshushikana nekuti vanogona kuzoda kuroora kana kuroorwa izvo zvinoita kuti vanetseke mukudura maringe nezveutano hwavo kuvadikani vavo.

“Tinopanga mazano zvakare vana ivavo nzira kwadzo dzekuti vange vachidura kuvadikani vavo kuti vari kurarama neutachiona hweHIV uye tiri kuona budiriro muzvirongwa izvi. Vechidiki vazhinji vatiri kushanda navo vari kubatsirikana zvikuru apo tinovarapa pachena pamakirinika edu,” vanodaro.

VaKagodora vanotsanangura nezvemumwe wevechidiki uyo vanoti akanga ava neutano hwainge husisina kumira zvakanaka asi akabatsirikana mukati memasvondo maviri apo akaiswa muchikamu cheSecond Line chemaARV.

Mwana uyu anonzi akanga asisakwanise kana kufamba ega pakuenda kuchipatara asi pari zvino upenyu hwake hwakadzoreredzwa pakare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey