Vosimudzira mitauro muzvikoro kuBinga

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Vosimudzira mitauro muzvikoro kuBinga

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimiririra reBasilwizi – iro rinoshanda riri kuBinga – rosimudzira kudzidzwa kwemitauro yakasiyana inosanganisira Tonga neNambya kubva pagwaro reECD kusvika kumayunivhesiti izvo zvinofambirana nebumbiro remutemo wenyika iro rinocherechedza kukosheswa kwemitauro.

Muhurukuro naGayson Siampongo, uyo anova projects officer wesangano iri, anoti vakaona zvakakosha kusimudzira mitauro kuBinga.

“Tiri kubatanidza zvakare nemimwe mitauro inosanganisira Nambya, Venda neKalanga. Munzvimbo yeBinga makavambwa makomiti emitauro anosanganisira Nambya Language Committee neTonga Language and Culture Committee nedonzvo rekusimudzira mitauro iyi uye kuti ikosheswe muzvikoro nekumayunivhesiti,” anodaro Siampongo.

Anoti mutauro wechiTonga unoshandiswawo kuZambia nekudaro vari kushanda nevamwe vekunyika iyi kuusimudzira sezvo izvi zvichisimbaradzawo hushamwari pakati peZambia neZimbabwe.

“Tonga Language and Culture Committee ndiyo iri kutibatsira nekutitsvagira mabhuku ekuverenga emutauro kuburikidza neboka reZambian Publishers’ iro riri kutipa mabhuku muzvikoro zvemuBinga,” anodaro.

Siampongo anoti sangano reActionAid Zimbabwe riri kuvabatsirawo kubva gore ra2003 nekusimudzira dzidzo kuBinga kuburikidza nekuvakwa kwesvikoro, kupa mabhuku pachena nezvimwe zvinodiwa semakombiyuta.

“Sesangano, tiri kushanda nehama dzedu dziri kutibatsira mukusimudzira dzidzo zvakare tichifambirana negwaro rezvinangwa zvepasi rose, zveSustainable Development Goal Number 4, izvo zvikurudzira kodzero yedzidzo yepamusoro uye kuwaniswa kweruzivo rwechizvino-zvino kumwana wose pasina rusarura,” anodaro Siampongo.

Anoti musangano ravo reBasilwizi vari kushanda pamwe nemakoreji nemayunivhesiti mukutsvaga vadzidzi vanokodzera kuenda kunodzidza mitauro iyi nedonzvo rekuti muzvikoro musashaikwe vadzidzisi vemitauro iyi.

Tonga yakatanga kunyorwa pabvunzo dzeGrade 7 mugore ra2013, O-Level yakatanga kunyorwa 2014 kuchiti A-Level muna 2016.

Anoti vamwe vevadzidzi vakabudirira pabvunzo dzeA-Level dzemumitauro iyi vakaenderera mberi nefundo yavo kumayunivhesiti anosanganisira University of Zimbabwe, Great Zimbabwe, Midlands State University neLupane State University.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey