Uncategorized

Votsigira mukurwisa cholera

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Votsigira mukurwisa cholera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE iri kutenda rubatsiro rwairi kuwana kubva kuvatsigiri vemuno nevekunze mukurwisa chirwere chemanyoka checholera.

Rumwe rwerutsigiro urwu rwunosanganisira mishonga yekuchenesa mvura, mabhaketi ekuchengetera mvura, magirovhosi, michina yekuwachisa, chikafu nezvimwe.

Pari zvino huwandu hwevanhu vafa necholera hwasvika pa35.

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vanoti cholera inokwanisa kupera nekukasika kana vanhu vachinge vawaniswa mvura yakakwana uye yakachena pamwe nekuva nenharaunda dzakatsvinda.

“Chirwere checholera hachingomuki chisisiko, asi kuti chinoda kutorerwa matanho makuru sezvo nyika yanga yava nenguva ichitarisana nematambudziko akaita sekushaikwa kwemvura saka zvinotora nguva. Asi tinofanira kugarcca takagadzirira kuti tinge tichiirwisa pese painenge yanyukira,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzehutsanana dzinofanira kuvandudzwa, kusanganisira kutakurwa kwemarara munharaunda uye kugadziriswa kwepombi dzinofambisa tsvina idzo dziri kungoputika munzvimbo dzigere vanhu.

Dr Gwinji vanoti kunyuka kwecholera kwakakonzerwa nekusaongororwa kwepombi dzesuweji idzo dzange dzichiputika kuGlen View nekuBudiriro.

VaRegionald Mudzimu, avo vanova mukushi wemashoko kusangano reHarare Residents Trust (HRT), vanoti veruzhinji vanochema-chema kuti kudai huwandu hwezvibhorani hwawedzerwa muguta kuitira kuti vanhu vawane mvura yakachena nekuoonawo kuti mapaipi esuweji matsaru abviswa kuchiiswa matsva.

Zvichakadai, chikoro cheGlen View Primary icho chakange chambovharwa zvichitevera kunyuka kwechirwere checholera, chakazarurwa.

Kwayedza yakamamemawo guta reHarare nereChitungwiza ikaona vanhu vachiri kutengesera miriwo, michero nekumwe kudya mumigwagwa zvichitevera kusungwa kwavari kuitwa nemapurisa nekanzuru.

Veruzhinji vanoti vatengesi vepanze vanofanira kupihwa zvirango zvakaomarara kuitira kuti vasarambe vachidzoka mumigwagwa.

Share This:

Sponsored Links