Uncategorized

Vovakirwa makiriniki kuGokwe

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vovakirwa makiriniki kuGokwe Kiriniki yeGanyungu iri kuvakwa — Mifananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaMapfungautsi, kuGokwe, vanotarisirwa kubatsirika zvikuru munyaya dzeutano zvichitevera kuvakwa kuri kuitwa makiriniki matsva matanhatu nekuvandudzwa kwemamwe mana nemumwe muzvinhabhizimisi weko.

Basa rebudiriro iri riri kuitwa naVaTawanda Karikoga (43), avo vanove chizvarwa chemudunhu iri vachibatsirana namaneja wavo – VaVusa Manjonjo (26).

Sadunhu Chisina, VaAlfias Gumberu, vanoti kubudirira kwenzvimbo kunotanga nekuva neutano hwakanaka kuburikidza nekuwana makiriniki nezvipatara zvine mishonga yakakwana.

“Tine makiriniki mana muno ayo akavakwa kubva tichiwana kuzvitonga kuzere. Makiriniki aya ari kuvandudzwa kuburikidza nemwana wemuno uyo akazvipira kuita izvi uye ari muzvinabhizimisi.

“Kunze kwekuvandudza makiriniki aya, ari kuvakisawo mamwe matanhatu matsva muno muMapfungautsi,” vanodaro.
“Makiriniki matsva ari kuvakwa nemamwe atopera ndeanoti Ganyungu, Nyamacheni, Gwenya, Chevecheve, Manhede neNdabambi. Kuchitiwo matsaru akavandudzwa anoti Gomoguru, Kirima, Gwanika neNyarupakwa,” vanodaro Sadunhu Chisina.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, vanotsinhira kuvakwa kwemakiriniki matsva nekuvandudzwa kwemamwe mudunhu ravo.
“Uyu ndiye mwana mumwe chete ave kuita kuti titonge vanhu tigere muimba ine mutsigo iyo akandivakira.
“Makiriniki ose emuno ari kuvandudzwa kuine mamwe ari kutanga kuvakwa matanhatu.

“Pamusoro pazvo, vana vemuno vave kuwana mabasa sezvo vachinoshanda semabhiridha nevanovabatsira. Zvidhinha ari kutenga muvana vemuno zvakare, vanhu vose vokwanisa kurarama kuburikidza nebasa iri,” vanodaro Mambo Njelele.
Vanoti nzvimbo yeMapfungautsi — iyo inozivikanwa nekufarirwa nevashanyi vanobva kunze kwenyika — yave kusimudzirwa nekuda kwekuvakwa kwemakiriniki aya nekuvandudzwa kwemamwe acho.

VaManjonjo vanoti makiriniki matsva aya ava pazvidanho zvakasiyana uye mamwe akatopera kuvakwa.
“Mamwe makiriniki ava kutopera. Tinoti sabhuku woga-woga anounza mazita evanhu vake nemabasa avanogona anosanganisira mabhiridha, maplumber, vemagetsi nevamwe tovapinza mabasa. Vanhu vave kushanda tichivapa mihoro yavo pamwedzi pasina dambudziko,” vanodaro.

Vanotizve vane chirongwa chekubatsira vakaremara mitezo nemawiricheya. VaManjonjo vanotiwo vari kuvaka mahofisi aMudzviti panzvimbo yemabhizimisi yeMapfungautsi. VaKarikoga ndivo vakavakira Mambo Njelele dare repamusoro-soro rekutongera mhosva iro rine chitokisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>