Vovakisa chikoro chitsva

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

VAMWE vana vekuBorrowdale, muHarare vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuvakwa kwechikoro chitsva chepuraimari nesekondari chemhando yepamusoro munzvimbo iyi.
Chikoro cheRichworthy chava kutopera kuvakwa munzvimbo yePhiladelphia, padyo nemugwagwa William Powlett.

Chikoro ichi chakavakwa dzimba dzemudurikidzwa nemahofisi acho uye chichapindwa nevana vanodarika 400. Chichatangira Grade 1 kusvika Form 6.

Mumwe wemadirectors echikoro ichi zvekare ari muimbi, muzvinabhizimusi VaInnocent Utsiwegota, vanoti chikoro ichi chiri kuvakwa panzvimbo yakatandavara mahekita manomwe neanoraudzira.

“Iyi yaiva imba yedu semhuri iyo takavandudza kuti tiite chikoro ndokuzotenga imwe nzvimbo yaiva pedyo nesu ndokuiwedzera kuti tivake chikoro ichi. Takavaka zvimwe zvinodiwa, nhandare dzemitambo, kusanganisira nhabvu, tenisi, volley ball nebasket ball.

“Dzimba dzekudzidzira dzakapera, zvimbuzi zvavapo nedzimba dzekugezera, dzekubikira nekudyira, mahofisi nezvimwe zvose takatopedza,” vakadaro VaUtsiwegota.

Chikoro ichi chine midurikidzwa miviri kubva pasi uye vakati vanoda kuti chive chemhando yacho choga pane zvinowanikwa munyika muno.

“Zvimwe zvose takapedza, uhu hurongwa hwedu semhuri nevanin’ina vangu kubvira kare apo kambani yedu yeMazongororo Syringes yaiwanisa zvinoshandiswa muzvikoro. Takanyorera kare kubazi rezvedzidzo tikapihwa matsamba acho ekubvumidzwa kuvamba chikoro ichi,” vakadaro VaUtsiwegota.

Vanoti vana vachadzidza vachidzokera kudzimba dzavo uye vane hurongwa hwekuzochiita bhodhingi nekufamba kwenguva.

“Tinoda kuita chikoro chinotaurwa nezvacho kana kumhiri kwemakungwa chaiko uye kana zvikafamba zvakanaka mwana woga-woga anofanirwa kuzenge aine kombiyuta yake nezvose zvechizvino-zvino zvinodiwa padzidzo. Tinoda kuti panopera Nyamavhuvhu tichinotanga mwedzi waGunyana vana vange vave kupinda pachikoro chedu chitsva ichi,” vakadaro.

VaUtsiwegota vanoti vanodawo kuti pazoitwa zvimwe zvidzidzo kuburikidza nemakombiyuta, izvo zvavakati inzira itsva yekudzidza yava kuitwa mhiri kwemakungwa apo vadzidzisi vanenge vari kwakasiyana nekunenge kuine vana vechikoro.

Kunze kwaVaUtsiwegota, vamwe varidzi vechikoro ichi vanin’ina vavo vanoti Simba, Zvidzayi naEdmore Utsiwegota.

Vanotiwo mumakore ari kutevera vane hurongwa hwekuramba vachivandudza chikoro chavo kusvika padzidzo yedanho rekuyunivhesiti.

Makambani ari pasi pemhuri iyi anoti Mazongororo Syringes, Mazongororo Papers, Mazongororo Quarry Stones neChrome Mine.

 

Share This:

Sponsored Links