Voyambuka rwizi vari musvo

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Voyambuka rwizi vari musvo VAMWE vevanhu vaiisa upenyu hwavo panjodzi svondo rapera vachiyambuka rwizi rwaOdzi vachibva kuBocha vachienda kwaZimunya. – Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
AKAVE mashura padunhu svondo rapera kwaZimunya, kuManicaland, apo mambo weko, pamwe nevatori venhau veKwayedza, vakanzi nevagari veko zvaitoda kuti vabvise mbatya dzose kuti vakwanise kuyambuka rwizi rwaOdzi kuenda kudivi reBocha uko kwaive nemumwe musikana ane shave rekuroya.

Ishe Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), vakavhundutswa nemashoko aya vakazoraira kuti musikana uyu nevamwe vaaiva navo, zvose nemuporofita aimubatsira, vayambuke ndivo kuenda kudivi ravaiva rekwaZimunya.

Musikana uyu, uyo watisiri kudoma nezita nekuda kwezera rake, anogara kwaMambo Zimunya uye aive aenda kumhiri kwerwizi urwu kuti achenurwe shave iri ribve.

Mambo vainge vakumbirwa nevatori venhau kuti vavaperekedze kunotsvaga nyaya iyi apo vakasangana nemashura aya.
Vanhu vaive kudivi reBocha vakazoyambuka rwizi urwu, urwo rwaive rwakazara nemvura, izvo zvakaburitsa pachena dambudziko guru ravakatarisana naro.

Asi vasati vayambuka, vanhu ava vakatanga kutumira nhume kuna mambo nevatori venhau kuti vatange vabvisa mbatya vozoyambuka rwizi urwu vari musvo. Vanhu ava vakati iyi itsika yavanogaroita kana vachiyambuka kana kubira rwizi urwu.
Hazvina kunyatsobuda pachena kuti kuita uku kune chekuita nechivanhu here kana kuti kwete.

Vari munzvimbo ine dambudziko rekushaikwa kwezambuko ndeve kwaZimunya, kuBocha kwaMarange pamwe nekuArda Transau. Vatori venhau namambo vakaita sevachabatira moyo yavo mumawoko apo vakaona vamwe vevagari venzvimbo idzi vachiita sevachayeredzwa vachiyambuka Odzi nepasina zambuko.

Madzimai ainge aine vana kumusana, pwere nevakwegura vakayambuka asi vamwe vaitozobatsirwa nevanhurume.
Zvisinei, pavanhu ava, vakawanda vacho vainge vakapfeka sezvo vainzi vakanyara vatori venhai namambo. Asi mumwe murume ndiye akabvisa bhurugwa rake ndokuyambuka akarisimudza mudenga.

Rwizi urwu rwunonzi rwune makarwe.
Muhurukuro neKwayedza, Mambo Zimunya vakakumbira Hurumende kuti ivabatsire nekuvaka zambuko rekuti vanhu vakwanise kuyambuka rwizi urwu pasina kuisa upenyu hwavo panjodzi.

“Chikumbiro changu ndechekuti dai mhuri yangu iyi yavakirwawo zambuko. Izvozvi ndine hurongwa hwekunoona Mambo Marange naMudzviti wedu kwaMutare kuti titaure nekuda kwedambudziko iri, kuti murwizi urwu muvakwe zambuko vanhu vagokwanise kufamba zvakanaka,” vakadaro Mambo Zimunya.

Mumwe wevarimi vekuBocha, VaBenard Chirimango, vanoti mabasa avo ari kudzorerwa shure nenyaya yekushaikwa kwezambuko murwizi urwu.

“Isu tinorima tiri muno muminda yeBetty Resettlement Scheme kumhiri kuno kweBocha. Vamwe vedu vekwaZimunya vanorima vari kuminda yeArda. Dzimwe nguva hatikwanise kubvakachirana nekuda kwerwizi urwu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links